Paraffin orangarirwa

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Paraffin orangarirwa Phillip “Paraffin” Mushangwe

Kwayedza

Abel Ndooka
MWANASIKANA weshasha yaive nemukurumbira munyaya dzemadhirama – mushakabvu Phillip “Paraffin” Mushangwe – Tarisai Mushangwe, anoti kunyangwe zvazvo baba vake pakuekita vaizivikanwa vari nhubu uye semurume ane makaro nekuita makuhwa, mumararamiro avo vaive munhu ane rudo uye vasingarute.

Paraffin kana kuti Baba Sorobhi, mumadhirama aaibuda aisiya vanhu vachiita kunge vachatyoka mbabvu nekuseka kuburikidza nehunhu hwaairakidza.

Tarisai – uyo ari kuitawo mitambo yemadhirama – anoti baba vake vaive munhu aive nerudo uye vaisava nemakuhwa sezvavaibuda vachitaridza pamadhirama.

“Vanhu vaiziva Mudhara Paraffin kari kamudhara kanoruta kane makaro uye kane makuhwa. Asi baba vangu muhupenyu chaihwo munhu akange akatosiyana nezvavaibuda vachiita mumadhirama.

“Kutaura chokwadi munhu akange asinganyadzise, kudya chaiko kwaitovanetsa uye vakange vasingade zvemakuhwa. Kumaraini kwedu kuMabvuku vanhu vaitouya kumba vachiona mudhara uye vopihwa mazano chaiwo ekubatsirikana kubva mumatambudziko avakange vachisangana navo muhupenyu hwavo,” anodaro Tarisai.

Kunyangwe hazvo Paraffin aive nemukurumbira, Tarisai anoti baba vake vakange vasiri munhu aida kuzivikanwa kunzi ane mbiri sezvo vaiwirirana nevanhu vakasiyana uye vamwe vaitomukira kuuya kumba kwavo kuzovaona vachifara navo.

“Baba vaiwirirana nevanhu vakasiyana, vaisadada kwete, vanhu vaitomukira kuuya pamba kuzovaona voswera navo vachifara asi hunge kana vasiri pabasa.

“Dzimwe dzenguva vaingofamba vachitenderera vachikwazisa vanhu vakasiyana, vakuru nevadiki, sezvo vakange vari munhu wevanhu. Vanhu vaitouya pamba chaipo kuzoona terevhizheni, zvikuru avo vakange vasina terevhizheni kudzimba dzavo panguva iyoyo,” anodaro.

Baba vake, anodaro Tarisai, vaiwanawo nguva yekusimudzira vechidiki vaive netarenda munyaya dzemadhirama.

“Vatambi vakawanda vanobuda mumadhirama akasiyana vakapfuura nemumaoko ababa vangu. Ini chaiye kuve mwana waParaffin kwakandivhurirawo mikana yakasiyana,” anodaro.

Tarisai ari kugadzirawo zita rake mune zvemadhirama izvo zvamunona achibuda mumitambo yakasiyana inosanganisira Zimtales – The secret, Bottled Tears, Family Affairs, Talk of Town, My Cuba Stage Play naMabero.

Musikana uyu anoti chidzidzo chikuru chaakawana kubva kuna baba vake ndechekuti munhu anofanirwa kuve nehunhu hunoyemurika uye kushanda nesimba muhupenyu.

“Ndakadzidza kubva kuna baba kuti munhu unofanirwa kuve une hunhu hunoyemurika pavanhu uye kuti usasarudze asi kugamuchira munhu wese. Kusvika nhasi uno vanhu vachiri kungotaura nezvababa vangu nekuti vaive munhu wevanhu uye vainge vakazvipira mubasa ravo sezvo vaishanda nesimba,” anodaro Tarisai.

Anoti mumhuri mavo ndiye gotwe umo vakazvarwa vari vashanu – vakomana vaviri nevasikana vatatu – uye ndiye ega ari kuita zvemadhirama.

“Ndinokurudzira vamwe vana veshasha dzaiita madhirama kuti vatevere mumatsimba evabereki vavo senzira yekuvarangarira mabasa akanaka avaiita vachitifadza,” anodaro.

Paraffin akashaika mugore ra1997 uye mamwe emadhirama aakaekita anosanganisira Paraffin, Pfuma Yenhaka neMafuro Manyoro.

Share This:

Sponsored Links