‘Paridzai Mwari, kwete mari’

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Paridzai Mwari, kwete mari’ Taziva Mbwizhu naNamatai Chirere

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
VAIMBI vari kusimukira mumusambo wechitendero, vanoti chinamato chinofanirwa kudzokera pakare apo kwainamatwa muzvokwadi pasina kunyepera veruzhinji neminana nezvishamiso.

Vaimbi ava, Taziva Mbwizhu naNamatai Chirere veNamtazz Music — avo vari kutarisira kubura dambarefu ravo idzva rinonzi Maonero — vanoti veruzhinji vanofanira kuramba vachinzvera zvinotaura bhaibheri kuitira kuti vasatsaudzwe pachinamato chavo nevakuru vemachechi nemaporofita vemazuva ano.

Dambarefu iri rine nziyo sere uye richaparurwa nemusi wa30 Mbudzi muguta reHarare.
Taziva anoti dambarefu ravo rine nziyo dzine hudzamu.

“Dingindira redambarefu redu nderekuti tiri kuda kudzoreredza chinamato chekare muchinamato chedu kuburikidza nekushandisa nziyo dzakanyorwa kare. Veruzhinji vangati nziyo dzakanyorwa kare hadzichanakidzi kuramba vachinzwa, asi takadzibika patsva nenzira yekuti dzinofadza mazera ose kwete vechikuru chete.

“Mazuva ano tasara nenhoroondo chete yemabasa akanaka aiitwa nevakuru vedu avo vaifamba neshoko. Chasara mazuva ano vatungamiriri vemachechi, vazhinji vacho vanomhanyidzana nekuda kutora mari yevanhu pasina shoko raMwari ravanenge vachifamba naro zvakanaka,” anodaro Taziva.

Taziva anoenderera mberi: “Veruzhinjiwo vava kuda kumhanyira minana pasina kunamata kwemachokwadi izvo zvava kupa vatungamiriri vemachechi nemapororfita mukana wekunyepera minana yavasina.

“Ndokusaka tichiti chinamato chekare chepachokwadi nekutendeka ngachidzoreredzwe kuburikidza nenziyo dzedu.”
Padambarefu idzva iri pane nziyo dzinosanganisira “Ndawana Shamwari”, “OMwari Muri Zuva” na “Makatendeka”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey