Parufu: Vanhu vari kuungana

19 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Parufu: Vanhu  vari kuungana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Zimbabwe iri kutora matanho akasimba ekurwisa Covid-19, zviri kuonekwa kuti vanhu vachiri kuungana vakawanda zvekudarika vanotenderwa nemutemo panenge paitika rufu izvo zvaita kuti panhamo pave imwe yenzira dziri kukonzeresa kupararira kwakanyanya kwechirwere ichi.

Pasi pemutemo wakadzikwa neHurumende nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19, vanhu vanotarisirwa kuve parufu havafanirwe kudarika 30, asi izvi handizvo zviri kuitika – panhamo dzakawanda, kumaruwa nemumaguta pari kuunganwa sezvinonzi hakuchisina Covid-19.

Dzimwe nzira dzekuderedza kutapuriranwa kwehutachiona hwecoronavirus dziri kutevedzwa asi kana pava parufu, veruzhinji havasati vasandura maitiro avo akare.

Mudzinhamo, vanhu vari kubatana mawoko, vamwe vachimbundirana izvo zvisingakurudzirwe.

Husiku nemasikati ngoma dzinodandaura vanhu vachiimba nekuchema apo vanenge vakabvisa mamasiki uye vakaita kumanikidzirana mumba munenge muine chitunha.

Kana dai chitunha chisati chauya, vanhu vanongowandisa zvekudarika 30 parufu.

Parufu panonzi ndiyo imwe nzira yaita kuti chirwere ichi chinyanye kupararira.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vanoti kuungana kwevanhu kwose kunokonzera kupararira kweCovid-19.

“Kuungana kwevanhu kwose kunokonzera kutekeshera kwechirwere ichi, ndiko kusaka panhamo dzose Hurumende ichiti pave nevanhu 30 kana vashoma kuti tichengetedze upenyu,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzakatsaukana inoratidza kuti vanhu vachiri kuenda kumariro vakawanda zvisinei nekuti mufi ashaya neCovid-19 here kana kuti kwete.

VaItai Rusike, avo vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health, vanoti kuungana pamariro kunofanira kuregedzwa munguva ino yeCovid-19.

“Vanhu havasi kutevedzera mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19 nokuti vari kuungana parufu uye vakaita chitsotsoko. Vakawanda havasati vapindwa nemweya wekutya chirwere ichi uye vanhu vanotya kusungwa nemapurisa pane kutyira upenyu hwavo,” vanodaro.

Sekuru Peter Maponda vekuChitungwiza vanotiwo mikana yekutapurirana coronavirus munharaunda inowanda zvikuru panzvimbo dzinoungana vanhu separufu, pazvibhorani nekumachechi.

“Dzimwe nhamo nekumakereke zviri kuitwa mudzimba vanhu vakakiya mikova kuitira kuti vasasungwe nemapurisa. Mahwindo anovharwa kuti ruzha rwekuimba nekuchema rwusabuda. Ipapo ndipo patiri kuzviuraya toga nekuti mushure meizvi, mumwe nemumwe anodzokera kumba kwake kune mhuri achinoparadzira chirwere,” vanodaro.

Sekuru Maponda, avo vanova murapi wechivanhu vari zvekare nhengo yeCommunity Health on Covid-19 Prevention, vanoyambira veruzhinji kuti vatevedzere mitemo yose yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Panhamo dzakawanda tinoona vanhu vachiimba nekukurukura vakaisa mamasiki muhuro. Vamwe vachiri kuita tsika dzakare dzekuradza chitunha mumba uye kugezesa mufi zvinova zvine jodzi huru,” vanodaro.

Kuchiti Mai Elizabeth Chidi vekuWaterfalls, muHarare vanoti kuchema vadikani kwave nemarwadzo makuru uye kushungurudzika mumwoyo kwakanyanya sezvo vafi vava kuvigwa pasina vamwe vehukama zvichitevera kuderedzwa kwehuwandu hwevanhu vanofanira kuve parufu.

“Zvichirwadza kudaro, zviri kuitwa nedonzvo rekuchengetedza upenyu. Hongu hatina kuzvijaira kuti tinobatana maoko panhare kana kuita rufu rwekuona pamasaisai sepaZoom asi ndizvo zvatovepo.

“Kuenda parufu kunotiita kuti ugumisire wabatana mawoko nechanza uye kune mamwe mashoko asingaite kutaura uchidaidzira, unotoenda pedyo neafirwa woti nedzoyi. Saka kuregedza kusvika panhamo zvachose ndinoona sezvakanaka. Kuti tinzvenge miedzo yekuungana uye kuenda pedyo nevafirwa, ibva wagara kumba kwako wochemana naye panhare,” vanodaro Mai Chidi.

Vamwe vanoti chekunozvisasikira munjodzi yeCovid-19 parufu hapana sezvo mari dzechema dzichingotumirika panhare uye mawoko achibatika paWhatsApp kana dzimwe nzira dzinoita kuti vanhu vasasangane.

Kune mhuri shoma idzo dzinoti kana dzafirwa, vanobva vaisa chiziviso chekuti vanhu vasasvike kumba kwafowa asi kuchemana panhare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey