Pastor aba mari yegirlfriend

23 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Pastor aba mari yegirlfriend Insp Ncube

Kwayedza

Danisa Masuku

MUFUNDISI wekuBulawayo asungwa nemhosva yekuba US$1 450, R21 300 neP27 000 yemusikana wake uyo waakanga ashanyira.

Patrick Judas Masanga (30), uyo anove mufundisi weHouse of Grace Ministries, anonzi akarasa chivimbo chemudiwa wake Siwinile Ndlovu (26) mushure mekumubira mari yake apo akamushanyira kumba kwake kuCowdray Park.

Mumwe ane ruzivo nezvenyaya iyi anoti Masanga akasvika kunogara mudiwa wake kuma9 manheru nemusi weChina svondo radarika ndokumuwana ave kuda kurara.

“Paakasvika kumba kwaSiwinile achigadzirira kunorara, Siwinile haana kumbofungira kuti mudiwa wake ane dzimwe pfungwa apo akamuka husiku ndokuvhura sefa yaive nemari yake ndokumutorera US$1 450, R21 300 neP27 000,” anodaro.

Nyaya iyi yakabuda pachena nemusi weMuvhuro svondo rino apo Ndlovu aida kutenga motokari yaitengeswa neshamwari yake.

“Akazovhunduka paakaona kuti US$1 450, R21 300 neP27 000 yakanga isisipo uye paakabvunza Masanga nezvekushaikwa kwemari iyi, akaramba kuti haana kumboiba,” anodaro.

Ndlovu akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikazoita kuti mudiwa wake asungwe.
Masanga anonzi akazosanduka ndokutaurira mapurisa kuti akangotora US$135 neR2 800 chete.
Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi uye ndokukurudzira veruzhinji kuti vasachengetere mari mudzimba.

Mukubvunzurudzwa nemunyori uno, Ndlovu anoti mudiwa wake akamugura kunorira.

“Ndaivimba naye zvikuru sezvo ari mufundisi zvekuti ndinotoisa mari yangu musefa iye aripo. Svondo rapera, akauya kuzorara kumba kwangu asi ndokushaya hanya nechivimbo changu naye apo paakamuka husiku akandibira mari.

“Ndakanyatsogutsikana kuti ndiye chete sezvo pamba pasina kupazwa. Pandakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa ndipo paakati akangotora US$135 neR2 800,” anodaro.

Masanga haana kukwanisa kubatika kuti apewo divi rake pamusoro penyaya iyi.
Ari kutarisirwa kumiswa mudare reWestern Commonage Court achipomerwa mhosva yekuba.

Share This:

Sponsored Links