Pastor arovera ticha US$5

11 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
Pastor arovera ticha US$5 Pastor Tichaona Gurupira

Kwayedza

Latwell Nyangu

MUFUNDISI wechechi yeTriumphan International Ministries ari kupomerwa mhosva yekurova mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe nekuda kwechikwereti cheUS$5.

Pastor Tichaona Gurupira nemukoma wavo, Leonard, vakamhan’arirwa kumapurisa vachipomerwa mhosva yekurova Blessing Nyakabau.

Nyakabau akamhan’ara nyaya yekurohwa kwake kuMbare Police Station pasi penhamba dzinoti RRB 5329335.

Nyakabau anoti aidzidzisa Gurupira zvidzidzo zveInternational English achimubhadharisa US$20 pamavhiki maviri.

“Akazongoerekana ati haachada kuenderera mberi nezvidzidzo akati ndidzosere chikamu che50 percent chemari yaakabhadhara.

“Ndakamuudza kuti atume vana vake kuzotora.

“NeChishanu chapfuura, akazouya kumba kwedu kuma10 mangwanani, asi ndakamuti atumire vana vake pave paya nekuti mari ndainge ndashandisa.

“Asi akaramba ndokutanga kundituka.

“Ndakamubvunza kana ndakamubira mari achibva atanga kundirova,” anodaro Nyakabau.

Anoti mukoma waGurupira akapindirawo pakumurwisa.

“Nyaya iyi ndakazonomhan’ara kuMbare Police Station.

“Akakuvadza ziso rangu uye ndinoda kuti asungwe.

“Handina kumbofunga kuti angaita zvakadaro sezvo ari mufundisi.”

Share This:

Sponsored Links