Pastor Asani adzoka mudariro

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Pastor Asani adzoka mudariro Pastor Thomas Asani akabata dambarefu rake idzva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUFUNDISI wechechi yeVineyard Fellowship,  Patsor Thomas Asani (44), akabura dambarefu rake rechina rinodaidzwa kunzi Yahwe (Usanete) iro rine nziyo sere dzinokurudzira veruzhinji kuti vape tariro yavo kunaMwari zvisinei nematambudziko avanenge vachisangana nawo muhupenyu.

Dzimwe dzenziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira Ane Rudo, Rinozaruka Denga, Anoda Mweya, Nyarara, Zviripo, Fara naYahwe.

“Chinangwa chenziyo dzangu dzose ndechekushingisana kana kuti kusimbaradzana kuti sevatendi munaShe tirambe takashinga kunyangwe munguva yekuomerwa nekuti hatingafaniri kushaya tariro munaMwari nekuda kwezvinhu zvepanyika zvinopfuura. Murumbo Ane Rudo ndinopa dzidziso kunyika kuti Mwari vedu vari kudenga vane rudo nesu kunyangwe zvikaoma sei vanoramba vainesu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti mukambo Nyarara anenge achipodza mwoyo yevane marwadzo anokonzerwa nezvakasiyana kuti vasavhunduke nekuti Mwari variko.

“Mwari vanoziva kuti kana tisinavo tinenge tiri nherera saka hatifaniri kutya kana kuvhunduka nekuti varipo pakutirwira pamatambudziko ese. MunaRinozaruka Denga inyaya yekurwirwa naShe pane zvose saka hatifaniri kuwanikwa tiri vanhu vanongogara vachichema mazuva ese asi kuti tinofanira kugara tichifara nekuti denga rinotiona. Kuchizoti munaAnoda Moyo ndinotaura kuti Mwari anotarisa kuchena kwemwoyo yedu nemabasa atinobata akanaka,” anodaro Pastor Asani.

Mugore ra2002, mufundisi uyu akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Handei Tichipembera uye muna2008 ndokubura Fara kuchizoti muna2014 akabura rimwe zvakare rinonzi Razaruka Denga.

Anoti kuimba kwese kwaanoita ndechimwe chechikamu chebasa rake rekushumira shoko raMwari kune veruzhinji kuti vawanikwe vachitendeuka.

Patsor Asani anoti anopa kutenda kuna Blessing Maunga weBish Studio nachikwata chaakatanga kuimba nacho cheJusan Group nekumutsigira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey