Pasuwa orairidza Malawi Under-23

31 May, 2024 - 00:05 0 Views
Pasuwa orairidza Malawi Under-23 Kalisto Pasuwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

AIMBOVE murairidzi wemaWarriors neDynamos FC – Kalisto Pasuwa – anonzi akagadzwa kuti atungamirire chikwata cheMalawi Under-23 icho chichanokwikwidza kumutambo weCOSAFA Men’s Senior Challenge Cup Championship.

Pasuwa, uyo anorairidza Nyasa Big Bullets yekuMalawi zvekare, anonzi achatungamira chikwata cheUnder-23 kuenda kumutambo weCOSAFA sezvo chevakuru chichakundikana kunokwikwidza kumutambo uyu nekuti chichange chichitamba mitambo yekurwira kuenda kuFIFA Men’s World Cup.

Munyori mukuru weFootball Association of Malawi – Alfred Gunda – akazivisa nezvekugadzwa kwaPasuwa pachigaro ichi.

“Tiri kutumira chikwata chevechidiki kumutambo weCOSAFA Cup sezvo chevakuru chichange chiri kutamba mitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup nekudaro Pasuwa tamugadza kuti agorairidza chikwata ichi.

“Zvimwe zvidiki-diki tichiri kuzvigadzirisa, asi ndiwo mafambiro atichaita,” anodaro Gunda.

Zvisinei, chikwata chaPasuwa cheNyasa Big Bullets chinonzi chakabuda chichitaura kuti hachina zvachiri kuziva nezvekugadzwa kwake kuzorairidza maYoung Flames.

“Nyaya iyi takangoinzwa nerunyerekupe asi hapana akauya kwatiri achibva kuFootball Association of Malawi achitaura nezvazvo.

“Kana vakauya kwatiri, tichatanga taizeya nyaya yacho nekuti Pasuwa ane kondirakiti nesu ichiri kushanda. Isu chakatikoshera kuti tichengetedze mikombe yedu yatakahwina mwaka wadarika, saka kana vakauya kwatiri tichaona kuti hazvitikanganise here hurongwa hwedu sechikwata,” anodaro Suzgo Nyirenda anove chamangwiza weNyasa Big Bullets achitaura nebepanhau reNationOnline rekuMalawi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey