Pedzai huwori muzvikoro

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Pedzai huwori muzvikoro

Kwayedza

ZVIKORO zvakavhurwa nemusi weChipiri chino paine kunyunyuta kukuru kubva kuvabereki nevana pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa basa nezvimwe zvikoro, zvikuru pakutsvagwa kwenzvimbo dzeGiredhi 1 neFomu 1.

Vabereki vakawanda vari kuchema-chema kuti nzvimbo dzeGiredhi 1 neFomu 1 dziri kunetsa kuwana uye kuti vamwe vakuru vezvikoro vari kuti vanoda kupihwa chiokomuhomwe chemari inosvika US$50 kuti mwana awane nzvimbo.

Uhu huwori huri pachena huri kuitwa nevamwe vakuru vezvikoro.

Vakuru vezvikoro vakadai vari kutora mukana wekuti nzvimbo dzeGiredhi 1 kana dzeFomu 1 dzinenge dziri shoma nekudaro vobva vaita huwori.

Ikodzero yemwana wose kuti awane dzidzo akasununguka nekudaro mutemo unofanira kuranga vose vari kuomesera vabereki nekuita huwori panyaya yekuti vana vawaniswe nzvimbo dzekudzidza.

Kune zvimwe zvikoro zvakare, kunyanya zvakazvimirira, zviri kuti vadzidzi vabhadhare fizi nemari yekunze zvisinei nekuti kuita kwakadai hakutenderwe nemutemo.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti imhosva kuti zvikoro zvibhadharise nemari yekunze.

Imwe mari iri kunzi vadzidzi vabhadhare nezvikoro zvakazvimirira inotorovesa hana.

Semuenzaniso, pane chimwe chikoro chiri kuMasvingo icho vabereki vari vari kunzi vabhadhare mari yefizi inodarika $100 000 pamwana patemu.

Chete kana iri nyaya yekuti mubereki anoendesa mwana wake kuchikoro chakazvimirira isarudzo yake, saka ndomene haichemedze.

Bazi redzidzo rinoyambira zvikoro zvakazvimirira kuti vose vachabatwa vachibhadharisa nemari yekunze vacharangwa zvakaomarara uye vachatorerwa marezinesi avo.

Panyaya yefizi, danho rakatorwa neHurumende rekuti zvikoro zviri pasi payo hazvisi kuzotenderwa kukwidza mari, kunze kwezvemabhodhingi, rinofanirwa kutendwa zvikuru.

Hurumende inoti pazvikoro zviri pasi payo, zvemabhodhingi chete ndizvo zvichatenderwa kuwedzera mari yelevy nechikamu chisingadarike 20 percent.

Danho iri rakatorwa sezvo kuzvikoro zvemabhodhingi vana vanoda chikafu nezvimwe zvakasiyana kana zvichienzaniswa neavo vanodzidza vachidzokera kudzimba.

Asi kune mamwe mabhodhingi ari kuti vana vanofanirwa kuuya negirosari izvo zvisiri pamutemo zvakare.

Hongu, mamiriro enyaya dzeupfumi munyika pari zvino haana kuita zvakanaka asi zvimwe zvinhu zvave kunzi vana vauye nazvo kuzvikoro inzira yekungoda kurozva vabereki chete.

Zvakakosha kuti zvikoro zvive zvakarongeka kwete kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

Kune vamwe vezvitoro zvakare vari kutora mukana wemamiriro akaita nyaya dzeupfumi vachitengesa zvinodiwa kushandisa kuzvikoro semayunifomu, mabhuku nematirangi nemari yekunze. Izvi ngazvimiswe zvakare!

Huwori hwava muzvikoro hunotoshamisa. Zvava kutoda kuti Hurumende isimbe panyaya dzekupedza chikiribidi chiri kuitwa nevakuru vezvikoro nekuti vabereki vatambura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>