Peturu ya2019 yapera ndava kusvika

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa

KUPERERWA nezvaunenge uchida kunorwadza.

Ndakapererwa nezvinhu zvakawanda muhupenyu.

Ndakapererwa nebasa.

Ndakapererwa nemari.

Ndakapererwa nemazano.

Kupererwa kunopusisa, kunofanana nekunwa doro asi worega kudhakwa. Asi kupererwa negore rinenge 2019 kunofadza.

Rimwe zuva ndakapererwa nepeturu kwasara mota imwe chete pamberi pangu kuti ndidirirwe.

Ndakanga ndamira kwenguva refu, ndakanga ndiine tariro yekuti ndinowana, nekuti pamberi pangu pakanga pasara motokari imwe chete.

Asi vakomana vakabva vauya vachiti, “Sorry, peturu yedu yapera.”

Ko sei peturu yakaperera pamota yaive pamberi pangu, isina kupera vadira zvavo nyangwe 5 litres mumota mangu? Ndakapererwa zvekuti ndakaramba ndakamira paService Station mushure mekunge vandiudza kuti peturu yapera.

Ndakanga ndanyanya kuita tariro yekuti peturu ndinoiwana. Pane chakanga chichiramba kugashira kuti peturu yapera ndasvika.

Kana naJesu akaudzwawo mashoko ekupererwa newaini kwevanhu pamuchato wepaKana.

Vakaudza Jesu kuti muchato wakanga usisina waini asi hatina kumboudzwa kuti Jesu ndiye akanga achironga nekuona nezvekunwa nekudya.

Chiiko chinoita kuti kana isu tichinge tapererwa nezvatiperera titsvage kuudza vamwe? Dzimwe nguva tinoudza vamwe vanhu zvinhu zvinenge zvisinei navo.

Kunyanya munguva dzino dzatiri, vazhinji tanzwa nekuudzwa zvekushaya mari. Unongonzwa, “Taida kuuya, asi mari yebhazi hapana”, “Ndaida kukufonera, asi foni yakafa mari.”

Mai vaJesu ndivo vakaudza Jesu kuti vanhu vakanga vapererwa newaini pamuchato. Pane kupererwa kunopera kana waenda kuna Jesu. Jesu ndiye akapedza nzara yevanhu 5 000 vaakapa zvingwa zvishanu nehove mbiri vakadya.

Kuenda kuna Jesu waini payakanga yapera pamuchato kune zvakunoreva zvakadzama. Denga haripere kana kupererwa sepeturu. Denga harina kufanana neZupco rinozara richisiya vanhu. Matura edenga akazara nekuti kudenga ndiko kuna Jehovha musiki.

Gore richitanga kudai, vazhinji vari kuronga “michato” yehupenyu hwavo. Vari kuronga vasina Jesu nekuti vari kuti Jesu haanei nemuchato kunze kwekungouyawo semumwe wevanhu vakokwa. Asi pamuri kuronga, garai matungamidza Jesu, mamupa nzvimbo yake – musazoti waini yapera. Tinopererwa nekuti tinovimba nemari yedu, nenjere dzedu. Tinovimba nevanhu, nemaPoliticians, nemaporofita, nemiviri yedu.

Jesu akati kumba kwaBaba vangu kune nzvimbo zhinji dzekugara, uye dai kwakanga kusina nzvimbo zhinji ndingadai ndakakuudzai kuti hakuna nzvimbo. Chandinototya kuti isu takanzwa nezvaJesu nezvedenga nezvehupenyu husingapere tisu tinopererwa nekuda denga. Tinokanganwa kuti Jesu akaisa chiyedza chake matiri, uye chiyedza ichocho chine basa rekudzinga rima kuti tione kwatiri kuenda.

Chinonetsa ndechekuti kana tikange taisirwa chiyedza naJesu, dzimwe nguva tinosiya WhatsApp, kushamisira, kuzvida, porno, kuda mari, ruvengo nehutsinye zviri izvo zvave chiyedza chedu. Ziva kuti chimwe chiyedza rinotori rima rakati kwirindindi.

Mufunge zvenyu, musi weKisimusi ndakanga ndiri kurufu. Rufu irworwo rwakandirangaridza kuti kana musi weKisimusi munhu anogona kufa akasiya vanhu vapererwa. Asi vanhu vanopererwa kana vasingazive kuti mufi aenda kunoita Kisimusi everyday kudarika yamanga muchifunga kuti achazoita.

Hupenyu hausi muwivhi kana basa rinobhadhara nemaUSA. Hupenyu huri mukuenda kumba kuna Jesu, nekuti ikoko hupenyu haupere sekupera kunoita mari, kana sekupera kunoita airtime asi iwe uine bango refoni.

Tinozvinetsa nezvinhu zvakawanda zvisina basa saMartha. Usapererwe naJesu nekuti zvinhu zvako zvichiri kufaya nekuvhaya. Iva neGoredzva rina Jesu.

Share This:

Sponsored Links