Pfumo raChaminuka richiriko

09 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
Pfumo raChaminuka richiriko Pfumo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

RIMWE remapfumo matatu anonzi akasiya abairirwa padombo naSekuru Chaminuka kunzvimbo inozivikanwa nekuti kuMakomo aChaminuka ayo ari kurwizi Nyatsime, kwaSeke pedyo neChitungwiza uko vaigara, richakangobairira mubwe gono iri uye pane zviratidzo zvekuti mamwe acho maviri akadzurwa.

Ibwe gono imhando yedombo rakaomarara zvikuru.

Kwayedza svondo rino yakanosvika panzvimbo iyi, ikazvionera pfumo rakabairirwa padombo uye zvinoratidza kuti pane vanhu vakamboedza kuridzura, asi vakatadza.

Sekuru Chaminuka vaigara mumakomo eDungwiza uko kwava kunzi kuChitungwiza.

Kasipiti

Vanonzi vakasiya vabairira mapfumo matatu padombo semhiko yekuratidza simba ravo panguva yekuma1800.

Vamwe vanhu vezvitendero vanonzi vanoenda kuMakomo ekwaChaminuka aya vachitsvaga masimba uko vanopinda mumapako, vachikanda fodya, machira, mupunga nezvimwe.

Kwayedza payakasvika panzvimnbo iyi, yakatanga kuonana naVaTitus Mazhanga (42) kana kuti naSekuru Shumba, avo vanova muzukuru wedzinza revanhu vekwaSeke avo vakapawo nhoroondo yenzvimbo yemakomo ari mudunhu raMambo Seke aya.

“Pano patiri ndiwo makomo aigara Sekuru Chaminuka pavaiitira mapipi nemasaramusi avo vachikumbira mvura kuti inaye. Vakazosiya vabairira mapfumo avo matatu mudombo semhiko, maviri acho akazobiwa nevanoda kuzvisimbisa masimba munyaya dzemweya kana muchivanhu,” vanodaro Sekuru Shumba.

VaAlbert Jemwa Sinyoro (62) vanobva kuChivhu, avo vanova murindi wenzvimbo iyi, vanoti mapfumo akasiya abairirwa naSekuru Chaminuka aya akagara kubva panguva yaakadzimikirwa mudombo kusvikira mugore ra2011 apo maviri acho akazobiwa.

“Ndakagara pano makore anodarika makumi maviri ndichichengeta nzvimbo ino mapfumo aya achingovapo. Nzvimbo yakabairirwa mapfumo aya inoyera, hapangokwirwa nemunhu wose-wose uyewo unofanirwa kunge wakachena pakurarama kwako kuti ukwanise kuaona.

“Mugore ra2011, takazongofuma mangwanani tichiona pedyo nedombo rakabairirwa mapfumo aya pakakuhwidzwa moto ndokuona mapfumo acho mahombe maviri pasina, pangosara diki rekupedzisira iri,” vanodaro VaJemwa.

Mamwe mapfumo maviri akatorwa aya akasiya maburi anotoonekwa nzvimbo dzaainge akabairirwa.

Bako rekuteurira

“Nyaya iyi yava kuda chivanhu chizere kuti mapfumo maviri akabiwa aya adzoswe uyewo kuti nzvimbo yeDungwiza idzokere pakuyera kwayo kwakare,” vanodaro Sekuru Jemwa.

Vanoti kune vamwe vave kupota vachinyepera vanhu vachivaratidza panzvimbo isiriyo vachiti ndipo paiva pakabairirwa mapfumo aya vavachidyira mari nemufungo wekuti panopa masimba munyaya yezvemweya.

Kwayedza yakakwira pamusoro pedombo iri ikazvionera kuti pane pfumo rimwe chete rakabairirwa.

“Vamwe vanouya vachiedza kukwira dombo iri kuti vatore pfumo rakasara iri asi vanosandudzirwa pasi nezvinhu zvavasingaone, vamwe vachitokuvara kana kutyoka makumbo. Vakatora mapfumo maviri aya vanofanirwa kunge vakazviita pachivanhu nekuti nzvimbo ino inoyera chaizvo,” vanodaro VaJemwa.

Nzvimbo iyi inoitirwa mabira nemikwerera pachiuya masvikiro akawanda vachitungamirirwa nevaridzi vepo.

“Homwe yekupedzisira yaSekuru Chaminuka ainzi Tsuro Pasipamire wemutupo weShava Mazarura vanobva kwaRwizi, kuMhondoro. Hama dzavo dzinouya pano gore negore tichiteura nzvimbo ino navo takabatana nevaridzi venzvimbo vanaSeke,” vanodaro VaJemwa.

Nzvimbo iyi ine kasipiti kasingapere mvura inobva mugomo nemumiti yemikute.

Mvura yemo inoita zvekucherwa nemikombe chete.

“Munzvimbo ino mune miti yemichakata kana kuti mihacha iyo inoitirwa chivanhu nemapako, saka inzvimbo yatinoda kuti ichengetedzwe chivanhu chacho,” vanodaro VaJemwa.

Sekuru Chaminuka ndivo vakatungamirira Chimurenga chekutanga kubva mugore ra1896 kusvika 1897 nekuda kwesvikiro ravo uye vanonzi vaiva vemhuri yekwaTovera.

Sekuru Chaminuka – pamwe chete naMurenga, Mbuya Nehanda, Sekuru Kaguvi, Mapondera naMukwati – imhare muhondo yekurwira rusununguko rweZimbabwe.

Vamwe vevanhu vanogara mumakomo eDungwiza vachirinda nzvimbo iyi vanosanganisira VaMotion Kaseke (32), VaMacknill Soka (27) naVaAaron Mutomeka (74).

Mambo Seke, VaStanley Chimanikire, vanoti nyaya yepfumo rinonzi ndiro rasara pakabiwa mamwe maviri kuMakomo ekwaChaminuka aya havasati vainzwa.

“Nyaya yepfumo iri itsva kwandiri, kana pasina akutaurira hapana maziviro andingazviite. Zvisinei, kana ndasvitsa nyaya iyi kuvakuru vemuno uye vakandibvumidza kusvika kunzvimbo iyi, tichaita sekudaro tonoona kuti zviri kufamba sei.

“Chandinoziva ndechekuti tine kambani yaicheka matombo egranite panzvimbo iyi iyo vashandi vayo vanonzi vakawana pfumo mukati medombo ndokuritora. Ndakazotaura navo vakaramba nyaya iyi zvisinei kuti mushure menguva pfupi michina yose yavaishandisa yakafa vachibva vatadza kuenderera mberi nebasa,” vanodaro Mambo Seke.

Share This:

Sponsored Links