Uncategorized

Pfumvudza, tsika nemagariro

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Pfumvudza, tsika nemagariro Sekuru Bonface Katerere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI dzechivanhu dzinoti kumera kwepfumvudza mumiti — anova mashizha matsva — zvine chirevo sezvo uri mucherechedzo weupenyu hutsva hunenge huri mberi uye panguva iyi panonyukawo zvirwere zvakasiyana muvanhu.

Sekuru Bonface Katerere vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti panomera pfumvudza zvipukanana zvakawanda kana mhuka dzinoberekanawo.

“Pfumvudza ichimera, tinoonawo kubuda kwezvisikwa zvakaita seharati, madora, mashavishavi, makonye, mandere, nyoka dzichiwanda, mhuka dzesango dzichibereka setsvana dzemhembwe, tunhohwa twetsuro nezvimwe zvakawanda zvitsva zvinouya. Izvi zvinoreva kuti inguva yekuzvarwa kutsva,” vanodaro.

Nguva iyi, vanodaro Sekuru Katerere, ndipo panounganidzwa zviyo, chibage uye mhunga nevanhu vachiita mudeme-mudeme voendesa kumadzimambo nekumasvikiro uko zvinonyikwa kwobikwa doro remukwerera.

Vanoti doro iri rinobikwa nevanhu vabve zera vachibatsirwa nevana vane makore ari pasi pegumi nemashanu okuberekwa.

“Panguva yepfumvudza, madzimambo vanoendesawo zvambwa zvefodya kumasvikiro avo nemachira machena senzira yekukumbira mwaka unotevera kuti uite zvakanaka. Zvadaro, doro remukwerera iri rinobikirwa musango mukati mepfumvudza yakafukidzira zvose zvinoitwa izvi.

“Kazhinji, rinobikirwa pasi pemuti wemuhacha kana kuti muchakata, michenje, mitondo kana musasa uye kuine hari dzinonzi dzezvivara dzinogara kunzvimbo dzinonzi madzimbahwe,” vanodaro Sekuru  Katerere.

Chibage nezviyo zvinobikiswa doro iri zvinonyikwa nemvura yemukasipiti nemachembere zvakaiswa mapazi emiti ane pfumvudza, zvozoburitswa zvichiiswa musango umo zvinenge zvakafukidzwa nemiti ine pfumvudza. Apa zvinozobviswa zvave kunoomeswa paruware.

“Pakunyika, dzimwe nguva zviyo kana chibage zvinonaiwa nemvura iyo inongoerekana yonaya zvisingafungidzirwe.

“Huni dzinobikiswa doro iri ndedze miti yemuchakata idzo dzinotemwa pfumvudza yamera uye dzinobatidzwa dziri nyoro kudaro, dzichitobvira pasina dambudziko,” vanodaro Sekuru Katerere.

Moto wacho unoita zvekusikwa, pamwe nehuni dzamutsubvu.

Panguva iyi, Sekuru Katerere vanoti varimi vose vanotora mbesa dzavo dzavanoda kuzodyara vachiendesa kumasvikiro nemhondoro dzedunhu.

Mbeu idzi dzinosanganiswa nemishonga inogadzirwa nemashizha epfumvudza kubva mumiti yose inowanikwa mudunhu iroro.

Vakuru vanenge vachitungamirira izvi vanozopihwa mbudzi nemupunga kana kumwe kudya uko vanodya vari mumasango kwavanenge vachigara mumisososo inenge yakavakirwa mukati mebvute remiti ine pfumvudza.

“Panguva iyoyi, ndipo panokumbirwa zvinhu zvakasiyana kubva kuna Nyadenga nevadzimu zvakaita sekuti tinoda maguta, hudyi ngahuite hushoma, hwiza nemakonye kana makudo hatidi.

“Pamusoro pemukwerera, kunobikwawo doro rinonzi ranyadutu iro rinoparadza kuti kusava nemhepo, zvose izvi zvinoitwa munguva yepfumvudza,” vanodaro Sekuru Katerere.

Nguva yepfumvudza ndipo zvakare panonzi panopindwa mumapako anoyera nemasango muchinopirwa kuvadzimu uye ndipo panozivikanwawo mafambiro achaita mwaka weZhizha negore racho rinotevera kuti kuchava nemvura yakawanda here kana kuti kwete.

Kazhinji pfumvudza inonzi inouya nezvirwere zvinosanganisa kutemwa nemusoro, kurwadza kwemaziso, manyoka, kurutsa, dzihwa, mhezi, mamota, pfari, BP kana kurasika njere kwevamwe vanhu.

“Saka muchiona iri iyo nguva yatinorova makuva nekuita mapira tichibika doro, tinenge tichikumbira kuti tipesaniswe nezvinhu zvakaipa izvi. Zvose zvinofanirwa kuitwa panguva yepfumvudza. Ndiyo nguva yatinowana mimwe mishonga yechivanhu inomboshaikwa yakaita semagomarara kana makoma emumiti ayo anoonekwa kana miti yadonhedza mashizha akare yave kumera pfumvudza.

“Nerimwe izwi, nguva yepfumvudza tinoidaidza kuti tsandukwa. Ndiyo nguva yatinowanawo tsambatsi, matufu achiita maruva, maroro nemimwe michero ichiberekawo,” vanodaro Sekuru Katerere.

Vanoti pachivanhu, iyi inguva yekudarika kwezvitsaru kuchiuya zvitsva uye ndiyo nguva inowanzoripwa ngozi kana kubviswa kwemweya inonetsa mumhuri nezvimwewo.

“Mukaona pfumvudza yave kukora yapera, tinenge tave mumwedzi waMbudzi saizvozvi. Ipapo hapana chatichakwanisa kuita kana kuroorwa nekuroora kwevanhu hazvichatenderwa, matare chaiwo emadzimambo nemadzishe haaitwe. Vamwe vari muwanano vanotevedza chivanhu zvakasimba panguva iyi havasangane pabonde kusvikira mwedzi uyu wadarika,” vanodaro.

Votaurawo, Mambo Nyamweda, VaClaudious Mandaza vekuMhondoro vanoti nguva yepfumvudza inokosheswa zvikuru pachivanhu.

“Isu madzimambo panguva yepfumvudza ndipo patinopa vanhu vedu zviga nemitemo inoda kutevedzwa munyika, zvinobvumidzwa nezvisingabvumidzwe. Tinozomira mamwe mabasa ose munaMbudzi tafambisa mashoko edu kumasabhuku ose zvatinoda kuti zvitevedzwe,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey