Pfumvudza yakaparurwa kuManicaland

10 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Pfumvudza yakaparurwa kuManicaland Mai Chapu (pakati) vachitsangura zvavakaita pandima yavo yePfumvudza kuruzhinji rwevanhu.

Kwayedza

Torai Mutseka

AIVE makukuwerere nemusi weChina svondo rapfuura apo Hurumende yakaparura chirongwa chePfumvudza kudunhu reManicaland.

Chirongwa ichi chakaitirwa pamusha waMai naBaba Chapu vekuward 5, kwaChiendambuya, kwaMakoni.

Chirongwa chePfumvudza chakaparurwa negurukota redunhu reManicaland Hon Dr Ellen Gwarazimba. Vamwe vaivepo vanosanganisira mukuru vevarimisi kuManicaland, Mai Phillpa Rwambiwa, mumiriri weMakoni North muParamende Hon Munetsi neMudzviti weMakoni VaMashindi.

Kambani ye Seed Co yaive yakamiririrwa naOmega Chigwanda naTorai Mutseka.

Munhaurwa yavo, Mai Chapu vanoti vave nemakore matatu vachiita chirongwa chePfumvudza. Vanoti vakaona kuti nePfumvudza goho ravo rinenge riri pamusoro kupfuura ravaiwana pandima dzavaimboshandisa mamwe marimiro.

Gore rapfuura Mai Chapu vakakwanisa kuwana matani matatu pandima nhatu dzavo dzePfumvudza, zvichireva kuti pandima yoga yoga vakawana tani. Goho iri rakashamisa varimi nekuti gore rapfuura mvura haina kunaya zvakanaka.

Mai Chapu vakati vakawana goho rinoshamisa nekuti vanoziva kusarudza mbeu dzekushandisa — mbeu dzinouchikwa nenyanzvi dzeSeed Co. Gore rapfuura vakashandisa mbeu dzeSeed Co dzinoti SC719 neSC727.

Mai Chapu vanoti vane makore matatu vachishandisa mbeu dzeSC719 neSC727. Vanokuridzira varimi kuti vashandise mbeu idzi nekuti dzine goho repamusoro uyezve dzinoshingirira muzuva.

Semurimi akarongeka, Mai Chapu vakatopedza kugadzirira ndima dzavo dzePfumvudza.

Vane ndima shanu dzavakachera makomba, vakaisa manyowa nehuswa hwemulch.

Mai Chapu vanopihwa ruzivo nekushanda zvakanaka nemurimisi wenharaunda yavo, izvo zvinoita kuti marimiro avo ave epamusoro soro.

Gore rino Mai Chapu vanoti vachashandisa SC529 neSC727 pandima dzavo dzePfumvudza. Vamiriri veSeed Co kuManicaland Omega Chigwanda naTorai Mutseka vakakurudzira varimi vekwaMakoni kuti vashandise mbeu dzinoenderana nedunhu ravo dzinoti Mbizi – SC529 neSC555, Shumba – SC649 neSC659, Nzou- SC719 ne SC727

Varimi mbeu dzeSeed Co munodziwana muzvitoro zvakatekeshera nenyika yese. Mbeu dzeSeedCo munodziwana mamu 2kgs, 5kgs, 10kgs nema25kgs, zvichireva kuti unokwanisa kutenga mbeu inoenderana nehomwe yako kana kuti nendima yauri kuda kudyara.

Seed Co ine varimisi mumatunhu ese enyika naizvozvo varimi vanokurudzirwa kubata varimisi ava kuti vapihwe mazano embeu dzinoenderana nedunhu ravo.

Kuti Seed Co ndokuti Mbeu!

Share This:

Sponsored Links