
Kwayedza

Kingstone Mapupu
KANZURA weWard 15 yekuChegutu Rural District Council, kuMhondoro-Mubayira, VaPeter Chigogo (43), vanokurudzira varimi kuti vatore mukana wechirongwa chePfumvudza kusimudzira upenyu hwavo pamwe nebudiriro yenyika.
“Chirongwa chekugoverwa kwezvekurimisa chePfumvudza chiri kufambira mberi zvakanaka muward mangu apo varimi vazhinji vakatopihwa kare zvekurimisa. Svondo roga-roga varimi vari kupihwa zvekurimisa uyewo chikamu chikuru chevarimi ava vakatochera makomba kare, minda yavo yatomirira kudyarwa chete,” vanodaro Kanzura Chigogo.
Vanotenda varimi nekushanda pamwe chete nevarimisi munharaunda mavo.
“Ndinokurudzira varimi kuti vatore mukana wechirongwa chePfumvudza kuzvisimudzira paupenyu hwavo zvose nemhuri dzavo. Tine varimi vazhinji muno vaisava nemombe kana mbudzi asi vakazodzitenga vakohwa pakuru nekuda kwePfumvudza.
“Vamwe vakatenga ngoro nemagejo uyewo nemakaravheta nemimwe midziyo yepamusha nekuda kwePfumvudza. Tinoti varimi vasasarire nekuti Pfumvudza yasimudzira vanhu vazhinji, kusanganisira neni,” vanodaro.
Vanoti vari kuona budiriro huru mumararamiro evarimi nekuda kwechirongwa ichi apo vamwe vakacheresa zvibhorani, kuisa magetsi mudzimba nekutenga motokari.
“Ward yangu inobatanidza maruwa nemapurazi, zvakadaro nekuda kwechirongwa chePfumvudza, vanhu vose vangoenzana mararamiro avo nekuti vanozvishandira kuburikidza nechirongwa chakavambwa nemutungamiri wedu wenyika. Tinotarisira kuona varimi vedu vane chitsama vachitenga matarakita nekuda kwemari inobva muchirongwa ichi,” vanodaro.

Kanzura Peter Chigogo
Kanzura Chigogo vanoti vabereki vazhinji vava kukwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro zvakanaka nekurima.
Kanzura Chigogo vanorumbidza vechidiki vemudunhu ravo vachiti vari kushandisa chirongwa chePfumvudza zvizere.
Nedonzvo rekusimbisa chirongwa ichi, vanoti vari kugadzirisa zvibhorani zvose zvisingashande kuitira kuwanisa mvura kuvarimi.
“Tine zvibhorani zvinodarika makumi maviri zvaisashanda izvo tiri kugadzirisa kuti zvishande varimi vawane mvura uyewo tine hurongwa hwekuchera zvimwe zvibhorani zvitsva muward yose tichishanda neHurumende,” vanodaro Kanzura Chigogo.