Pfumvudza yatiyambutsa: Varimi

20 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Pfumvudza yatiyambutsa: Varimi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vedonje vekumaruwa vari kupembedza chirongwa chePfumvudza nechePresidential Input Scheme vachiti vari kubatsirikana nezvekushandisa izvo zviri kuita kuti vakohwe pakuru.

Kwayedza inokurukura nevamwe varimi vekuMuzarabani mudunhu reMashonaland Central pamwe nevekuMashonaland West avo vanoti vakawana goho rakakura mwaka wadarika kuburikidza nechirongwa ichi apo Hurumende yakavapa zvekushandisa sefetiraiza, mbeu, mishonga nezvimwe uye vachizviwaniswa pachena.

“Ini ndava nemakore mazhinji ndichirima donje uye rinoita kuti ndikwanise kuriritira mhuri. Mwaka wadarika ndakarima mahekita matatu nechidimbu ndikawana matani 6,8 edonje uye rose ndakariendesa kuCottco ndikapihwa mari yangu nenguva.

“Ndinotenda zvikuru chirongwa chePresidential Input Scheme chaita kuti tiwane zvekushandisa nenguva. Asi ndinoshora dzimwe nhinhi dzinoti kana zviya dzawaniswa zvekushandisa izvi, izvo zvinouya pachena, dzinotanga kutengesa fetiraiza nembeu yacho vachidya mari,” vanodaro Mambo Muzarabani vekuMashonaland Central.

VaMartin Kabanga Mugadza vekudunhu rimwe chete iri vanoti vakatanga kurima donje mugore ra1992 uye mwaka wadarika vakakohwa mabhero 42 mushure mekunge vapinda muchirongwa chePfumvudza.

“Kurima kunotodawo ongororo, saka ndakachera makomba ePfumvudza 50×50 square metres ndikawana 560kg dzedonje. Ndakarima zvekare nzvimbo yakaenzana neiyi isiri yePfumvudza ndikakohwa 430kgs dzedonje.

“Izvi zvakandiratidza kuti chirongwa chePfumvudza chinoita kuti ndikwanise kuwana goho rakakura. Kuburikidza nemakomba ePfumvudza, mwando unogara pasi, fetiraiza haiyeredzwe nemvura nhando kana kuchinge kwanaya. Chikafu chese chinoita kuti chirimwa chikure zvakanaka.

“Donje rangu rakanga rakakura uye riri jena-jena zvekuti ndaingotambira muGrade B neC,” vanodaro.

Mai Kudzai Mhlauri vekuMashonaland West vanoti vakabura goho guru remabhero 96 mwaka wadarika.

VaMakiwa Mutikuba vekuMuzarabani vanotiwo kuwaniswa kwezvekushandisa, kuburikidza nechirongwa chePresidential Inputs Scheme, zvinovarerutsira sevarimi kuti vasaomerwe nekutora zvikwereti kumabhangi.

“Chirongwa ichi chisati chavako, taitambura zvekuti pamwe pacho takanga tava kufunga kusiya zvekurima donje nekuti raisatipa mari yakawanda uye zvekushandisa zvacho zvaitidhurira zvekuti waingoona kuti kwava kungofira mafufu segonzo.

Mwaka uchangopera ndakawana mabhero 26 edonje ane huremu hwematani 5 240.

“Tinongochema kuti kudai nzira dzekubhadharwa kwedu varimi dzavandudzwa,” vanodaro.

Vanoti vakakwanisa kutenga tirakita, zvigayo nemakombi kuburikidza nekurima uye kambani yeCottco yaivabatsirawo mukutsvaga vanhu vanovatengesera midziyo iyi pasina kuvabira.

VaMugove Mukarakadzi vekuMachaya Ward 3, kuMuzarabani vanotiwo vakagona kubata mwaka apo vakarima nemvura yekutanga zvikaita kuti vakohwe goho guru.

“Ndakatanga kurima donje mugore ra2000 ndikakwanisa kutenga mombe, ngoro nekuvakawo musha wangu. Chirongwa chePfumvudza chakandikoshera, ndakawana mabhero 26 uye mari yangu yakauya nenguva,” vanodaro.

Chamangwiza wekambani yeCottco, VaPious Manamike, vanoti pari zvino vatambira mabhero 108 000 edonje kubva kuvarimi.

“Dambudziko guru ririko nderekushomeka kwegoho redonje nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze kunova kwakakanganisa makuriro ezvirimwa pamwe negoho,” vanodaro.

Vanoti chirimwa ichi chakakosha zvikuru mukusimudzira indasitiri inogadzira mbatya, kugadzirwa kwemafuta uye chikafu chezvipfuyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>