Pfumvudza yatiyambutsa: ZFU

30 Apr, 2021 - 16:04 0 Views
Pfumvudza yatiyambutsa: ZFU VaPaul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti chirongwa chePfumvudza icho chakaitwa neHurumende apo varimi vakapihwa zvekushandisa zvinosanganisira mbeu nemafetireza pachena, chabudirira zvikuru izvo zviri kuona Zimbabwe ichidzokera pachidanho chayo chekare chekuva dura redunhu reSadc.

VaPaul Zakariya, avo vanova ZFU executve director, vanoti Pfumvudza yasimudzira mabasa ekurima zvakanyanya.

“Chirongwa chePfumvudza chabudirira zvikuru icho chakatangwa mumwaka wa2020-2021, varimi vakapihwa mbeu nemafetireza vakachera makomba nemaoko pasina kurima nemombe kana nematirakita. Izvi zvakabatsira zvikuru sezvo varimi vakawanda vakadyara nenguva nekudaro nyika ine goho guru mwaka uno,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti sesangano rinomirira varimi, vanoshuvira kuti zvimwe zvirongwa zvose zvekurima zvibudirire semafambiro akaita Pfumvudza.
“Zvirimwa zvakawanda kubva muchirongwa chePfumvudza zvakadyarwa nenguva, mvura ikanayawo zvakanaka kusvikira zvasvika. Izvozvi varimi vedu vari kukohwa, chingava chibage kana zvimwe zvirimwa, vachiisa mumatumba nedzimwe nzvimbo. Matura edu mwaka uno anopfachukira nyika igoguta,” vanodaro.

VaZakariya vanoti goho rechibage mwaka uno rakawedzera nechikamu che200 percent.

Hurumende inoti gore rino iri kutarisira goho rechibage rinosvika matani 2,8 miriyoni kana zvichienzaniswa nematani 908 000 ayo akakohwewa mwaka wadarika.

“Hakuna murimi asina kubatsirwa muchirongwa chePfumvudza, kubva kuvarimi vekumaruwa, kumapurazi nevemumaguta.”
VaZakariya vanokurudzira varimi kuti varege kuvarairwa, asi kuti vapinde mukurima kwemuchando nekwemuchirimo pane zvimwe zvirimwa zvekudiridzira sezvo mvura yakawanda mwaka uno.

“Tinoti ngatishandisei mvura yakazara mumatsime nemumadhamu torima mapindu, gorosi remuchando kana chibage kuti tirambe tichiwedzera maguta edu,” vanodaro VaZakariya.

Vanokurudzirawo varimi kushanda nevarimisi zvizere pane zvavanoda kuti basa ravo riendeke.

“Chirongwa chePfumvudza chakatipa hwaro, saka ngatirambei tichingotevedzera izvozvo kunyangwe muchirimo muno tichirima.”
Vanoyambira varimi kuti nekuda kwegoho guru riri kutarisirwa, kuchaita makoronyera achafamba achida kutenga zvirimwa izvi nemari yepasi achivarozva simba ravo.

“Tine chibage chakawanda zvikuru mwaka uno saka ikurudziro yedu kuti varimi vatengese kuGMB. Makoronyera ariko achaenda kuvarimi achida kutenga bhagidhi rechibage nemari iri pasi-pasi seUS$2.

“Ngatingwarirei makoronyera iwaya asatibire goho redu rakatakawana kubva muchirongwa chePfumvudza. Kumhanya handi kusvika, tinomira toendesa zvirimwa zvedu kwatinowana mari yakawanda,” vanodaro VaZakariya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>