Pfumvudza yatotanga kugadzirira kurima

24 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Pfumvudza yatotanga kugadzirira kurima Dr Masuka

Kwayedza

Debra Matabvu naWallace Ruzvidzo

ZVEKUSHANDISA zvevarimi vadiki pasi pechirongwa chePresidential Climate-Proofed Agriculture Programme kana kuti Pfumvudza/Intwasa zvatanga kuendeswa kumatura eGrain Marketing Board (GMB) akapoteredza nyika, apo varimi vagadzirira kuzvitora mumavhiki mashoma ari kutevera.

Gore rapera chirongwa ichi chakabatsira pagoho rose rechibage rakawanikwa muZimbabwe nechikamu che33 percent uye mwaka uno mhuri dzinosvika 3 miriyoni dzekumaruwa nevarimi 500 000 vemumadhorobha vanotarisirwa kutsigirwa neHurumende.

Hurumende yakatoumba makomiti achaona kupihwa kwevarimi zvekurimisa paward imwe neimwe nechinangwa chekuderedza nyaya dzehuwori.

Gwaro regadziriro yekurima (State of Preparedness Report) mumwaka wa2022-2023 rinoratidza kuti pasi pechirongwa chePfumvudza, varimi vachapihwa matani 15 500 embeu yechibage, matani 158 333 efeteraiza yepamusoro, matani 158 333 efetiraiza yepasi uye matani 150 000 elime.

Dzimwe mbeu dzichapihwa varimi dzinosanganisira matani 5 966 emapfunde, matani 2 026 emhunga, matani 1 195 emaringazuva, matani 2 658 enzungu, matani 1 215 esugar beans uye matani 907 enyemba.

“Chirongwa ichi chichatsigira mapuroti mashanu ePfumvudza pamusha woga-woga nezvekurimisa nekushandisa pakurimwa kwechibage, mapfunde, mhunga, soyabeans, maringazuva, nzungu, muriwo nenyemba. Pane zvichapihwa varimi izvi, zvinosanganisira zvekukohwa nekuchengetedza mvura, mishonga yesora yemapuroti matatu nemishonga yemakonye efall army worm,” vanodaro Dr Anxious Masuka vanova gurukota rezveminda, kurima, kuchengetwa kwehove, mvura nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa.

“Chirongwa cheZunde Ramambo chichatsigira mapuroti gumi kumadzishe, mapuroti manomwe kumasadunhu uye mapuroti mashanu pana sabhuku woga-woga. Pamusoro peizvi, mambo mumwe nemumwe achapihwa dura resimbi rekuisira goho.”

Gore rino Hurumende yakaronga kupavarimi vePfumvudza zvichienderana nevhu ravo, zvichireva kuti kana varimi vari kune ivhu rinoda chibage, ndicho chavanopihwa kuti vadyare. Vekunzvimbo dzinoda zvirimwa zvidiki semhuka nemapfunde vanowaniswawo zvinoenderana nekwavari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>