Pfumvudza yaunza maguta

15 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Pfumvudza yaunza maguta Dr Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYORI mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr John Basera – vanoti chikamu chezvekurima chine mukana mukuru wekuti Zimbabwe idzokere pachidanho chayo chekare chekuva dura rechikafu mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc).

Vachitaura pamusangano weZimbabwe Agricultural Transformation Agenda kuUniversity of Zimbabwe (UZ) muHarare nguva pfupi yadarika, Dr Basera vanoti budiriro yose munyaya dzekurima yakavapo kuburukidza nechirongwa cheAgriculture Recovery and Growth Plan icho chakaparurwa mugore ra2020.

“Kubvira pakatanga kurimwa gorosi muZimbabwe, takakwanisa kuwana goho rine nhoroondo huru rematani 375 000 muna2022 kana zvichienzaniswa nematani 300 000 akakohwewa mumwaka wa2021 kunova kuwanda kwegoho nechikamu che25 percent. Pagoho rechibage, takawana matani 2,7 miriyoni muna2020-21 kureva kuti tiri kuramba tichibudirira mugoho redu zvichibva muhunyanzvi hwemadhumeni edu uye vauchiki vembeu dzakasiyana idzo dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

“Goho rechibage rakawedzera nechikamu che180 percent kubva pamatani 0.5 pahekita kuenda pa1.4 pahekita,” vanodaro.

Upfumi hwenyika, vanodaro Dr Basera, hunobatwa nenyaya dzekurima nokudaro zvakakosha kuti varimi vave neruzivo rwakakwana rwunoita kuti Zimbabwe ive nemaguta.

“Nyika yakwanisa kusimukira munyaya dzeupfumi muzvirimwa zvakasiyana kuburikidza nezvirongwa zvePfumvudza uye Command Agriculture zvinova zviri kutevedzwa zvikuru munyika dziri muAfrica. Munguva pfupi yadarika, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakaenda kuDakar, kuSenegal, kunomiririra Zimbabwe zvichitevera kubudirira kwayakaita muzvirongwa zvekurima nenzira yePfumvudza zvinova zvava kutevedzwa nedzimwe nyika.

“Tinoda kuramba tiine kudya kwakakwana zvekusvika pachidanho chekutengesa kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Dr Basera vanoti muZimbabwe vanhu vachiri kutenga zvirimwa zvakadai sehanyanisi nemadomasi kune dzimwe nyika izvo zvavanoti zvinofanirwa kupera nekuti zvirimwa izvi zvinorimika zvakanaka muno.

“Mugore ra2020, pasi pechirongwa chePfumvudza, Hurumende yakatora danho guru rekuona kuti varimi vatevedza kurima kwemasutso senzira yekudzivirira matambudziko anounzwa nekusanduka kwemamiriro ekunze uko kunokonzerwa nekushandiswa kwefetireza uye mimwe mishonga yekurimisa, pakati pezvimwe.

“Huwandu hwechibage hwakawedzera kubva pamatani 0,5 pahekita muna2021 kuenda pa1,4 pahekita muna2021 zvichitevera chirongwa chePfumvudza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Gore rino tiri kutarisira kukohwa zvakanaka zvekare nekuda kwekuti takawana mvura yakawanda yekunaya. Zvirimwa zvidiki zviri kubudirira zvikuru nekuti zvinotivirira kubva kumamiriro ekunze uye veruzhinji vava kuzvifarira sezvo zvichisimbaradza nyaya dzeutano.”

Mai Florance Mutambanengwe

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Mai Florance Mutambanengwe, avo vanove director wezvetsvakurudzo (research) uye vainge vakamiririra Vice Chancellor weUniversity of Zimbabwe – Professor Paul Mapfumo – vanopembedza budiriro iri munyaya dzekurima vachiti inosimudzira raramo yeruzhinji.

Share This:

Sponsored Links