‘Pfumvudza yaunza maguta’

17 Oct, 2021 - 07:10 0 Views
‘Pfumvudza yaunza maguta’ VaIgnatius Mutema nemudzimai wavo, Shamiso Chaunoita, pamwe nemhuri yavo vekwaSabhuku Chacha vachichera makomba ePfumvudza nguva pfupi yadarika. - Mifananidzo naMemory Mangombe.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vekunzvimbo yakagariswa vanhu patsva yeNyamatani, kuMuzvezve kudunhu reSanyati vari kurumbidza Hurumende nechirongwa chePfumvudza icho chavanoti chaunza maguta nepunduko kuvanhu.

Sabhuku Chacha – VaJohn Chacha (69) – vekuVillage 27 kuNyamatani, vanoti chirongwa ichi chiri kuita kuti mudunhu ravo muve nemaguta makuru.

“Musha wangu wOse nenzvimbo yedu yeNyamatani kuno kuMuzvezve varimi matura akazara tikaendesa chibage kuGrain Marketing Board (GMB). Mhuri dzedu dziri kuguta uye mari tiri kuwana.

“Tinotenda mutungamiri wenyika, chirongwa ichi ngachitore mamwe makore maviri kana mana chiripo nyika yeZimbabwe inodzokera panzvimbo yayo yakare yembiri yekurima,” vanodaro Sabhuku Chacha.

Vanoti mwaka wadarika vakakohwa matani mana echibage kudarika mamwe makore ose mukurima kwavo.
“Gore rino, hakuna munhu anoyambukira kumba kwemumwe kunokumbira hupfu kana kunokwata sezvo chibage chiriko uyewo mari yacho yekugaisa tinayo kubva mukutengesa uko takaita chibage kuGMB. Mari yekuendesa vana kuchikoro yakabva muzvirimwa zvedu,” vanodaro sabhuku ava.

VaLawrence Wadesango (32) vanorima vari kuNyamatani zvakare vanoti chirongwa chePfumvudza chasimudzira upenyu hwevechidiki.

“Vechidiki takapihwa mbeu nefetiraiza pasi pechirongwa ichi tikarima zvakasimba. Goho tinaro asi tinochema nekuipa kwemugwagwa wedu wePatchway-Sanyati uyo usingafambike zvinodzosera kumashure basa rekunotengesa zvirimwa zvedu kuKadoma nekuSanyati,” vanodaro VaWadesango.

Vanoti vanotarisira kuti kugadzirwa kwemugwagwa uyu kuchapa budiriro mudunhu rose iri.
“Tine makambani anotenga donje kuno vane marori anofamba vatinotarisira kuti vagadzirise mugwagwa uyu uyewo kune makambani anochera goridhe muno zvakare,” vanodaro VaWadesango.

Vanotenda Hurumende nekupa kwayakaita vechidiki minda izvo zvave kuita kuti upenyu hwavo huendeke kuburikidza nekurima.

“Tinotenda nekupihwa kwatakaitwa minda neHurumende kumapurazi akatikomberedza,” vanodaro VaWadesango.
VaIgnatius Mutema (48) nemudzimai wavo, Shamiso Chaunoita (43) pamwe nemhuri yavo vekwaSabhuku Chacha – avo vakawanikwa neKwayedza vachichera makomba echirongwa chePfumvudza – vanoti havazi kuzodzokera kumashure panyaya yekurima.

“Mwaka wakadarika takaita matani maviri echibage nekuda kwechirongwa chePfumvudza uye mwaka uri kutevera tinotarisira kudarika goho iri,” vanodaro VaMutema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>