Pfumvudza yepiri yakaparurwa

10 Jun, 2021 - 15:06 0 Views
Pfumvudza yepiri yakaparurwa Varimi vakatanga kuendesa chibage chavo kudura guru reGrain Marketing Board uye kubvira kutanga kwemwaka wekutengesa nemusi wa1 Kubvumbi vaendesa matani anosvika 5 000.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakaparura chirongwa chepiri chePfumvudza/Intwasa kuDomboshava nguva pfupi yadarika nedonzvo rekusimudzira nyaya dzekuwaniswa kwechikafu munyika kuburikidza nekushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino uye zviwanikwa.

Varimi vazhinji vari kupembedza chirongwa chePfumvudza sezvo chakaita kuti vawane goho guru rechibage gore rino zvichiteverawo kunaya kwakaita mvura zvakanaka.

Hurumende yakakoka vamiririri vevarimi kubva kumatunhu ose enyika pazuva rekuparurwa kwechirongwa chepiri ichi.

Chirongwa ichi chakavapo segadziriro kuvarimi maringe nezvavanosungirwa kuzoita mwaka unotevera uyewo kurima kwemasutso (Conservation Agriculture Programme).
Hurumende ine donzvo rekuona kuti chirongwa ichi chabatsira varimi vakawanda kubva pa3 miriyoni kuenda pa5 miriyoni munyika yose.

Pasi pechirongwa chekutanga chePfumvudza Phase 1, varimi vakatsigirwa neHurumende nezvekushandisa zvinosanganisira mbeu, feteraiza nemishonga nenguva uye mvura yemudenga yakaturuka nehuwandu izvo zvakaita kuti nyika iwane goho guru.

VaStancilae Tapererwa vanova murimisi kudunhu reMashonaland Central vanopembedza chirongwa chePfumvudza vachiti chiri kuunza pundutso muraramo yevanhu munyika.

“Tinotenda Mwari nemvura yakaturuka nehuwandu hwayo uye rutsigiro rwezvekushandisa urwo takawana kuburikidza nechirongwa chePfumvudza nePresidential Input Scheme sezvo rwakauya nenguva apo mhuri dzinodarika 2.3 miriyoni dzakabatsirikana nyika ikabudisa goho rinodarika matani 1 miriyoni rechibage gore rino,” vanodaro.

Vanoti pahekita imwe chete yechibage, murimi anotarisirwa kubura matani 5,28 nokudaro vane shungu dzekuona kuti varimi vawaniswa michina yekurima kuitira kuti chirongwa chePfumvudza chive nyore.
“Tiri mushishi kutsvaga mari yekuti tigare takaunganidza zvekushandisa muchirongwa ichi. Tinoda kuti varimi vawaniswe zvekushandisa zvose mvura isati yaturuka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links