Pfumvudza younza maguta – ZFU

12 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Pfumvudza younza maguta – ZFU VaPaul Zacharia

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti kunaya kwemvura yakawanda mwaka uno kwaita kuti nyika itarisane negoho guru rechibage nezvimwe zvirimwa zvichitevera chirongwa chePfumvudza icho chakavambwa neHurumende.

VaPaul Zacharia, avo vanova mukuru weZFU, vanoti chirongwa chePfumvudza chabatsira varimi zvikuru.

“Mvura iri kunaya yakawanda kunzvimbo dzose dzenyika izvo zvave kuita kuti varimi vaye vasina kupinda muchirongwa chePfumvudza zvirimwa zvavo zviny’udzwe nemvura. Chirongwa chePfumvudza kwaingova kuchera makomba varimi voisa manyowa nefetiraiza yepasi, kureva kuti ivhu reminda harina kurimwa uye rakasimba. Nekudaro harisi kuyeredzwa nemvura zvabva zvakonzera chibage nezvimwe zvirimwa zvedu kuita zvakanaka,” vanodaro VaZacharia. 

Vanoti varimi vakashandisa magejo pakurima minda yavo mizhinji iri kunyukurwa zvirimwa nekuwanda kuri kuita mvura. 

“Varimisi vedu vagara vachikurudzira iya yatinoti zero tillage chinova chirongwa chimwe chete nePfumvudza sezvo zvose zvinochengetedza ivhu nekudya kwaro kuzere. Nekuda kwevarimi vakawanda vari muchirongwa chePfumvudza, tiri kutarisira goho guru senyika,” vanodaro VaZacharia.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise mukana wemvura iri kunaya kugadzira manyowa nehuswa kuitira gadziriro yemwaka unotevera. 

“Chirongwa chedu chePfumvudza chinoda manyowa nekuda kwekuti varimi vazhinji mombe dzakapera kufa nezvirwere. Tikacheka huswa togadzira makombositi uye panosvika nguva yekudyara mwaka weZhizha unotevera manyowa edu anenge aita, tozosanganisa nefetiraiza yepasi tichizoisawo yepamusoro nekufamba kwenguva,” vanodaro VaZacharia. 

Share This:

Sponsored Links