Pochettino orumbidzwa

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Pochettino orumbidzwa

Kwayedza

PEP Guardiola ari kurumbidza Mauricio Pochettino semurairidzi anogona basa zvakanyanya apo Manchester City yakatarisira kutatsurana neParis Saint-Germain mumakwikwi eChampions League.

Pochettino ari kupinda mumutambo uyu paine runyerekupe rwakanyanya maringe neramangwana rake apo bepanhau reSportsmail rakamboburitsa nyaya yekuti anogona kuda kuramba chikwata chake achienda kuManchester United.

Vazhinji vari kutsutsumwa kuti angakwanisa here kusimudza mikombe yakawanda mushure mekutadza kuhwinha mukombe mukuru ari kuTottenham uye paakatadza paLigue 1 title nepaChampions League nePSG mwaka wapfuura.

Mugadziriro dzemutambo wemusi weChitatu kuEtihad, Guardiola anoti: ‘’Unogona kuva maneja anogona basa zvakanyanya asi usingatore mukombe.

‘’Mamaneja ane mukana wekutora mukombe ari pamusoro, zvikwata zvikuru zvine mari yakawanda uye vatambi vanogona. Zvisinei kumamaneja hazvisi nyore kuhwinha.

‘’Izvi hazvirevi kuti mamaneja ari muChampionship kana asiri muchikwata chevatanhatu vari pamusoro pePremier League havagone basa munyaya dzezvidavado, kutaurirana uye kutungamirira. Hazvina basa kutora mikombe”.

Guardiola naPochettino vane nhoroondo yakakura vese muChampions League, kubva mazuva apo Pochettino aiva kuTottenham. Spurs yakarova City mumaquarter finals eChampions League muna2019.
Tottenham yakanga yasvika kumafainari apo yakakundwa zvibodzwa 2-0 neLiverpool.

Kubva ipapo, mukombe mumwe chete wakatorwa naPochettino ndeweCoupe De France nePSG mwaka wapfuura. – SportsMail

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey