Poitwa ongororo yeCovid-19

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Poitwa ongororo yeCovid-19 Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti richaita ongororo kwemasvondo matatu kutanga nemusi weMuvhuro unotevera nechinangwa chekuda kuziva mamiriro akaita nyaya yevanhu vane hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 munyika yose.

Vachipakura mashoko ezvainge zvabuda mudare reCabinet kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri uno, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti chirongwa ichi chichashandisa mhuri 2 000 dzine vanhu vashanu pamhuri kubva kunzvimbo dzakatsaukana mukuita ongororo iyi.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana richaita ongororo yemavhiki matatu kutanga nemusi wa29 Chikumi kuti rione mamiriro akaita nyaya yeCovid-19 munyika. Chirongwa ichi chichaitwa kunzvimbo dzakasiyana dzenyika pachishandiswa mhuri 2 000 dzine vanhu vashanu mumhuri imwe neimwe,” vanodaro.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 525 vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 uye pavarwere ava, 64 vavo vakanaya asi vamwe vatanhatu vakashaya.

Sen Mutsvangwa vanoti kuwanda kwevari kubatwa vaine hutachiona hwecoronavirus kuri kunyanya kukonzerwa nevanhu vari kubva kunze kwenyika.

“Vakawanda vevanhu ava vari kubva kuSouth Africa, iyo inove nyika ine vanhu vakawanda vane Covid-19 muAfrica,” vanodaro

Vanoti huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hwakakwira kubva pavana (4) kuenda pavatanhatu zvichitevera kufa kwevamwe vanhu vaviri.

Pavarwere vaviri ava, mumwe mudzimai aive nemakore 60 okuberekwa aigara pane rimwe purazi kuGweru uye aishandira mukadzi nemurume avo mumwe wavo akabva kuUnited States munaKukadzi wegore rino.

Mumwe akafa anova wechitanhtau nekuda kweCovid-19, murume aive nemakore 79 okuberekwa uyo aigara muguta reBulawayo.

Murume uyu anonzi airwarawo nezvimwe zvirwere zvinosanganisira shuga nema”gall stones”.

Sen Mutsvangwa vanoti komiti iri kuona nezvekufambiswa kwemashoko echenjedzo kuruzhinji pamusoro pechirwere ichi (Information and Risk Communication Sub-Committee) iri kusimbaradza basa rayo nekushandisa nzira dzakasiyana dzinosanganisira kuenda mudzimba dzeveruzhinji.

“Nyaya yekumhan’arira vanhu vanopinda munyika zvisiri pamutemo uye nevanotiza munzvimbo dzavanenge vakachengetedzwa vachiongororwa kuti havana Covid-19 here yadzika midzi munharaunda dzakasiyana.

“Izvi zvinotsinhirwa nenyaya dziri kumhan’arwa nevanhu kuvatungamiriri vavo vekumatunhu pamwe chete nevanochengetedza mutemo maringe nevanofungirwa kuti vangangodaro vakapinda munyika zvisiri pamutemo kana kuti vakatiza kwavanenge vachichengetwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links