Premier Tobacco yagadzirira kutenga fodya

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Premier Tobacco yagadzirira kutenga fodya VaPhilemon Mangena

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors inoti yagadzirira zvakazara mwaka wekutengeswa kwefodya uyo uri kutangisa svondo rinouya musi wa21 Kurume.

VaPhilemon Mangena vanova managing director wekambani iyi vanoti zvose zvinodiwa kuti fodya inge ichitengeswa zvakanaka zvavepo.

“SePremier Tobacco Auction Floors takagadzirira zvizere mwaka wekutengeswa kwefodya wa2018 tiine zvose zvinodiwa mukuita basa iri kusanganisira michina inoshandiswa mukutengeswa kwefodya. Tine michina mitsva yose kubvira mumahofisi emukati nekunotanga kupinda nevarimi nemabhero avo, zvinoreva kuti hapana murimi anonzi achanonoka achiti magwaro ake efodya yaatengesa haasati abuda,” vanodaro.

Vanoti marori ose kana dzingava tirakita dzinounza fodya vakagadzirira kuti fodya ichaburutswa nenguva nevashandi vavo ichiiswa painoendeswa kusvikira yanotengeswa nenguva duku-duku zvikuru.

“Tagara tiri pamusoro zvedu munyaya dzekutengesa fodya, asi rwendo rwuno takadarikidza kugadzirira kwacho nekuti mabhengi edu atagara tiinawo aripo uko varimi vanotorera mari yavo. Nzvimbo dzekutandarira dzine zvivhitivhiti zvinorakidza mitambo yenhabvu yakasiyana nezvimwe dziripo uyewo pane nzvimbo inotengesa kudya kwemhando yose. Zvakangofanana nekuti varimi vanenge vari kudzimba dzavo,” vanodaro.

Pamusika uyu pane nzvimbo zvakare yekuti varimi vanotenga zvekunorimisa mumwaka unotevera zvose kubvira kumbeu, mishonga, feteraiza nemimwe midziyo inosanganisira matirakita, magejo nezvigayo zvingadiwe nemurimi.

“Matsotsi akawanda nekuvhurwa kwemisika saka tinoti  varimi vedu ngavasatenga zvinhu kuvanhu vanofamba kunze asi kuti ngavaende muzvikamu zvakasiyana zvatakaisa mukambani yedu. Dzingava motokari dzavanoda kana chii zvirimo, taurai nevashandi vedu kana mawirwa nematambudziko. Hatina vashandi vanotengesera fodya kunze, veduwe pindai mukati,” vanodaro.

Vanoti varimi ngavatengese fodya yavo nemagrowers numbers avo ayo vanonyoresa neTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) kwete kushandisa evamwe sezvo zvinokonzera kubirana mari nefodya.

“Tinoti mwaka wefodya wa2018 sirogani ndeyekuti fodya kuPremier Tobacco Auction Floors chete nekuti tine mibayiro yatichapa kuvarimi vedu vakuru nevadiki,” vanodaro VaMangena.

Vanoti semakore ose, mapurisa anochengetedza nzvimbo aripo pasina chakaipa chinoitika kuvarimi nemidziyo yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey