Premier yosimudzira vanhukadzi

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Premier yosimudzira vanhukadzi Hilda Matanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors yosimudzira vanhukadzi nekuvapa mabasa aiitwa nevarume chete kare akadai sekuva maauctioneers anotengesa fodya mumisika.

Kambani iyi yava nevanhukadzi vana vari kuita basa rekutengesa fodya avo vari kuwanikwa vachikwikwidzana nevanhurume mubasa iri.

Vanhukadzi vari kushanda semaauctioneers kuPreimer ndiNomsa Muchinguri (27), Grace Rubaba (29), Sanatoria Chigudu naAgatha Nyambaya.

Muchinguri naRubaba vanotove nemadhigirii ekutengesa fodya apo Chigudu naNyambaya vari kupedzisa zvidzidzo izvi.

Grace Rubaba (kurudyi) naNomsa Muchinguri (wechipiri kubva kurudyi) vachitengesa fodya nevamwe vanhurume vavanoshanda navo kuPremier Tobacco Auction Floors nemusi weChipiri svondo rino.

Muchinguri anoti akaita zvidzidzo zvekutengeswa kwefodya aine kuzvityira kuti aizokwanisa here kukwikwidzana nevanhurume mukuita basa iri.

Anoti akazoona ava mazviri kuti hazvina musiyano mukuita basa iri pakati pevanhurume nevanhukadzi.

“Basa ibasa chete, taidzvanyirirwa tiri kungokwikwidzana navo varume vacho pasina dambudziko. Varimi vefodya vechidzimai vave kurakidzawo kufara nekuda kwedanho iri,” anodaro Muchinguri.

Mashoko ake anotsinhirwa naRubaba achiti hakuna basa rinofanirwa kunzi iri nderemadzimai kana kuti revarume.

“Mubasa rekutengeswa kwefodya ndicho chikamu changa chasara chisina madzimai anotengesa fodya ari maauctioneers, panga pasina. Hezvo isu tavapo, tinotarisira zvimwe zvigaro zvihombe,” anodaro.

Hilda Matanga anova marketing manager kuPremier Tobacco Auction Floors anoti vakatora danho iri senzira yekusimudzira vanhukadzi mumabasa.

“Vanhukadzi ava vane madhigirii avo ekutengesa ndokuzovabika pano zvakare, avo vakadzidziswawo zvakare neTobacco Research Board. Mubasa rekutengeswa nekurimwa kwefodya makawanda varume izvo takaona kuti regai tisimudzire madzimai,” vanodaro.

Vanoti vari kutarisira kuwedzera vanhukadzi vanotengesa fodya ava nekufamba kwenguva.

VaPhilemon Mangena vanova managing director wekambani iyi vanoti vane zvakawanda zvavari kuita kusimudzira vashandi vechidzimai.

Zvakadai, Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe varimi vechidzimai vanoti Tecla Chigodora (33) naRutendo Chirindo (25) vose vanorima vari kuHeadlands avo vakataridza kufara zvikuru nekuwaniswa kuri kuitwa vanhukadzi mukana wekushanda semaauctioneers kumakambani anotengesa fodya.

VaMunyaradzi Dhliwayo (52) avo vanorimira vari kuMhangura vanoti danho iri rinorakidza kuti hapana chinoitwa nevanhurume chisingagonekwe nevanhukadzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>