Kwayedza

President Mnangagwa vapunyuka kuputiika kwaitika pagungano reZanu-PF

Vabatsiri vanoonekwa vachibatsira avo vakuvara mukuputika kwaitika munhandare yeWhite City apo President Mnangagwa vanga vachitaura kuzviuru zvevatsigiri veZanu-PF.

na Mabasa Sasa naTendai Mugabe vari kuBulawayo
Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vapunyuka kuputika kwaitika pasiteji apo vanga vachangopedza kutaura pagungano rezviuru zvevatsigiri veZanu-PF munhandareyeWhite City muguta reBulawayo.

Mutevedzeri wavo Cde Kembo Mohadi vari kunzi vakuvara muchiitiko ichi kusanganisira sachigaro webato iri, Cde Oppah Muchinguri. Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Cde Chiwenga vanonzi vapunyuka vasina kukuvara. Vazhinji vakuvara muchiitiko ichi.

Mutauriri wemutungamiriri wenyika, VaGeorge Charamba vati: “President Mnangagwa havana kukuvara muchiitiko ichi uye vari kuSate House (yekuBulawayo). Tsvakurudzo dzezvaitika dzatova kuitwa uye zvizhinji zvichaziviswa kuruzhinji munguva pfupi iri kutevera. President Mnangagwa vapunyuka njodzi dzakati wandei mumakore mashanu adarika.”
Vakuvara vose vamhanyiswa kuchipatara uko vari kurapwa. Mukuru wemapurisa kudunhu reBulawayo Senior Assistant Commissioner Learn Ncube vatsinhira kuti ongororo netsvakurudzo izere yatotanga kuitwa chiriporipocho.