Uncategorized

President vorumbidza Delta

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
President vorumbidza Delta President Mnangagwa vachitsananguriwa naDr Munyaradzi Nyandoro vanova General Manager weDelta Corporation nezvemuzinda uyu. — Mufananidzo naLee Maidza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weMuvhuro uno vakarumbidza kambani yeDelta Corporation nebasa guru rairi kuita rekusimudzira upfumi hweZimbabwe kuburikidza nenzira dzinosanganisira kutsigira varimi mumabasa avo.

Vakataura mashoko aya apo vaimema muzinda wezvinwiwa weDelta Beverages Largers Manufacturing Plant uri kuSoutherton, muHarare.

Kambani iyi inoti iri kushandisa $50 miriyoni pagore mukusimudzira mamwe mapazi ayo anova akatekeshera nenyika uye chirongwa ichi chicharamba chichienderera mberi kwemakore mashanu anotevera.

Mamwe mapazi eDelta ari kuBulawayo, kwaRusape, kuMasvingo nekuKwekwe.

“Zvataona pano zvinodadisa zvikuru nekuti zvinobatsira kuti nyika inge ichiwana kudya kwakakwana, kunovaka muviri nekusimudzirwa kweupfumi. Kambani ino inoitawo mabasa etsitsi, zvikuru mukusimudzirwa kwenyaya dzemitambo netsika.

“Taona michina yemhando yepamusoro uye zvizhinji zvezvinoshandiswa pano zvinogadzirwa nezviwanikwa zvemuno, nevanhu vemunyika muno. Kubudirira kweDelta kubudirira kweZimbabwe,” vanodaro President.

Vanotendawo Delta nekusimudzira kwairi kuita mabasa ekurima kuburikidza nekutsigira zvirongwa zveCommand Agriculture.

“Delta iri kuita mabasa makukutu mukusimudzira nyaya dzekurima izvo zvinoita kuti nyika ive nemaguta apo inoshanda nevarimi vakuru zvichibatsira ruzhinji rwevanhu nekuvawanisa mabasa. Izvi zvinofambirana nehurongwa hweHurumende hwekuti vanhu vange vachiwana mabasa akati tsvetere uye zvichibatsira zvakare mukurwisa nzara, urombo nehuwori.

“Zvinofadza kuti Delta inosimudzira varimi apo inotenga zvirimwa zvakaita semapfunde nebarley izvo vanoshandisa kubika doro nemahewu,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, gurukota rinomirira Harare Metropolitan Province, Cde Miriam Chikukwa, vanoti Hurumende iri kushanda nesimba mukurwisa nyaya dzehuwori sezvo dzichidzosera budiriro yenyika shure. Sachigaro weDelta Corporation, VaCanaan Dube, vanotiwo muzinda uyu wakavambwa mugore ra1962.

“Kambani ino ine nhoroondo huru munyaya dzekugona kufambisa zvakanaka mabhizinesi uye yakapemberera munguva pfupi yadarika yakapemberera kusvitsa makore 120 ekugadzirwa kwedoro reCastle, makore 50 ekugadzira doro reChibuku uye makore 70 ekugadzirwa kweCoca-Cola muZimbabwe.

“Tinotenda nerutsigiro rwatiri kuwaniswa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, riri kuita kuti tikwanise kutenga zvimwe zvinodiwa kunze kwenyika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links