President vosangana nematicha

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
President vosangana nematicha

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS—

PRESIDENT Mnangagwa vari kutarisirwa kusangana nevairidzi pamusangano uchazeya nyaya dzinosanganisira mashandiro ematicha nezvimwe zvine chekuita nedzidzo.

Musangano uyu unotarisirwa kuitwa muHarare musi wa18 Chikunguru, sekutaura kwemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango.

Dr Utete-Masango vakazivisa nezvemusangano uyu svondo rapera apo vaivhara zviri pamutemo musangano wepagore weNational Association of Secondary Heads (Nash) kuVictoria Falls.

Musangano uyu uri kuitwa panguva iyo bazi iri riine hurongwa hwekuisa zvidzidzo zvinodyidzana zvinoitwa nevana muzvikwata zvisere (cluster learning areas).

“Tiri kuronga musangano uyo watichadaidza President uye uchaitwa musi wa18 Chikunguru muHarare,” vanodaro Dr Utete-Masango.

“Zvinhu zvatichange tichitarisa zvine chekuita nekusimudzirwa kwezvivakwa sezvo tiine kushomeka kwezvivakwa muzvikoro pamwe nemalaboratories.”

Vari kuronga gungano iri vanonzi vari mushishi kuona kuti ndivanani vachapinda musangano uyu – maticha ose ari munyika kana kuti vamiriri vavo.

Dr Utete-Masango

Zvichakadai, dzimwe nhengo dzaive kumusangano wekuVictoria Falls pakutanga dzainge dzaratidza kugunun’una pamusoro pechirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum, dzichiti hapana zvachiri kubatsira kuvana.

Zvisinei, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Mavima, vakataura apo vaivhura musangano uyu zviri pamutemo kuti Hurumende iri kuongororora nyaya iyi.

Dr Utete-Masango vanokurudzira vakuru vezvikoro kuti vaone kuti vari kubatsira mukufambiswa kwakanaka kwezvirongwa zvebazi iri.

Vanoti bazi ravo rine hurongwa hwekuisa zvidzidzo zvinodyidzana zvinoitwa nevana muzvikwata zvisere.

Dr Utete-Masango vanotizve kune gwaro (circular) richatumirwa muzvikoro munguva pfupi iri kutevera rinenge richizivisa pamusoro penyaya iyi.

Dr Utete-Masango vanotizve Zimbabwe iri mushishi kushanda nesimba kuti inge ichiwana mukana wekuitirwa musangano wepagore weAfrica, weInnovation Africa Conference.

Musangano uyu, vanodaro, unotarisirwa kupindwa nemakurukota ezvedzidzo kubva kunyika 30 uye donzvo rawo nderekukwezva vatsigiri kuti vasimudzire zvikamu zvedzidzo muAfrica.

VaJohnson Madhuku – avo vave kusiya chigaro chemukuru wesangano reNash, vanoti musangano wakaitwa kuVictoria Falls wakabudirira zvikuru sezvo dzimwe dzenhunha dzavaiva nadzo dzakagadziriswa.

 

Share This:

Sponsored Links