Prof Mwenje vatora mumwezve mubairo

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Prof Mwenje vatora  mumwezve mubairo Prof Mwenje

Kwayedza

Cletus Mushanawani—

VICE-CHANCELLOR veBindura University of Science Education, Professor Eddie Mwenje, nguva pfupi ichangodarika vakadadisa zvakare apo vakahwapura mubairo mukuru weManager of the Year weZimbabwe Institute of Management, Northern Region Leadership Excellence Awards (2017).

Vakapihwa mubairo uyu pasi pechikamu chePublic Service Category.

Mibairo iyi inopihwa pagore kune avo vanenge varatidza hunyanzvi munyaya dzehutungamiriri hwakatwasanuka. Mazvikokota munyaya dzedzidzo, Prof Mwenje ndiProfessor weMicrobiology neBiotechnology.

Vakawana chitupa chavo chePhD mugore ra1994 kuUniversity of Birmingham, kunyika yeUnited Kingdom.

Vane MBA kubva kuNational University of Science and Technology (NUST) neBachelor of Science Honours Degree in Biological Sciences iro vakaita neUniversity of Zimbabwe.

Prof Mwenje munamati mukuru uye vane Diploma in Biblical, pakati pemamwe magwaro edzidzo.

Prof Mwenje vashanda kumayunivhesiti akasiyana anosanganisira Birmingham University, University of Zimbabwe neNational University of Science and Technology.

Vakakwidziridzwa pabasa kubva pakuve mudzidzisi vachiitwa Dean ndokuzova Vice-Chancellor weBUSE.

Vakashanda kuNUST kwemakore 15 apo vakasimudzirwa kuve Dean of the Faculty of Applied Sciences.

Vakaitwa Vice-Chancellor weBindura University of Science Education muna2013 mushure mekunge vambobata chigaro ichi kubva munaChivabvu 2010. Kwemakore mashanu adarika, Prof Mwenje vashanda zvikuru mukusimudzira budiriro yeBindura University of Science Education uye yunivhesiti iyi ndiyo yakave yekutanga kuve nechikamu chinodzidzisa zvemitambo munyika, cheNational Sports Academy, icho chakavhurwa zviri pamutemo naChancellor veBUSE, President Mnangagwa, avo vanove zvakare patron wechikamu chedzidzo yezvemitambo ichi.

Bindura University of Science Education yakawana mubairo weZimbabwe Chamber of Commerce Award wekuva yunivhesiti yemhando yepamusoro muna2015 kuburikidza nehutungamiriri hwaProf Mwenje.

Mugore ra2015 zvakare, Prof Mwenje vakawana mubairo weNational Public Sector Leadership Excellence Award.

Pamusoro pezvo, vakawanawo mumwe mubairo wekuve nechiono chinoendeka, weVisionary Award pamwe neweEducation Leadership Award mugore rimwe chete iri mumakwikwi eAfrican Leadership Awards Mauritius.

Muna 2013, vakapihwa mubairo weMegafest Award semucherechedzo wekuve pakati pevanhu 20 vanove nyanzvi dzekufambiswa kwemabasa muZimbabwe.

Prof Mwenje vakashanda nemabhodhi nemakomiti akasiyana emapoka epasi rose. Mamwe emabhodhi nemakomiti avakashanda nawo anosanganisira Centre of Excellence in Tree Health Biotechnology kuUniversity of Pretoria, kunyika yeSouth Africa kubvira muna 2004. Prof Mwenje inhengo yeGoverning Council of The African Network of Scientific and Technological Institutions (ANSTI) iyo inomirira dunhu reSouthern African Region.

Ndisachigaro wesangano reZimbabwe University Vice Chancellors Association (ZUVCA).

Muna 2012, vakapembedzwa nerimwe sangano repasi rose nekuda kwekushanda kwavo nesimba mukusimudzira dzidzo yesainzi.

Bindura University of Science Education, yakabatana nevamwe vainoshanda navo, yakawana zvakare mubairo wepamusoro weErasmus MUNDUS wemari yekutsigira chirongwa cheScience and Technology Teacher Training Network chiri kuitwa nenyika dzemuAfrica.

Prof Mwenje ndimazvikokota wesainzi uye mutungamiriri akarongeka.Vakaroorana naDr Juddie Mwenje, vane vana vatatu uye vane vamwe vana vavakarerawo.

Prof Mwenje ndiReverend akagadzwa zviri pamutemo.

Share This:

Sponsored Links