Uncategorized

‘Prophet Hungwe atora mudzimai wangu’

09 May, 2022 - 02:05 0 Views
‘Prophet Hungwe atora mudzimai wangu’ Panguva iyo vaive vachiri kufara . . . Samatha Chibwanya naZacharia Matunya

Kwayedza

Aaron Nyamayaro

MUKURU wechechi yeGrace International Church, Prophet Sham Hungwe, vari kupomerwa mhosva yekuputsa wanano yemumwe murume yemakore masere.

Zachariah Matunya (43) anoti Prophet Sham vakakwezva mudzimai wake, Samantha Chibwanya (29), kumba kwavo kuWaterfalls muguta reHarare ndokushereketa naye.

Kubva musi iwoyo, Matunya anoti Samantha airamba kurara naye uye aingobva pamba asina kutaura.

Anopomera Prophet Hungwe kuti vaimutyisidzira pamusoro pekudanana nemudzimai wake uye akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa pasi penhamba dzinoti CR239/08/20.

Prophet Shame Hungwe

Matunya akamhan’ara zvakare nyaya yemunhu ari kushaikwa pasi penhamba imwe chete iyi kuHarare Central Police Station.

Munhu waaiti ari kushaikwa ndiSamantha.

Prophet Hungwe vanobvuma nyaya yekudanana kwavo naSamantha vachiti wanano yake naMatunya yakaparara uye vakasiyana sezvo vakanga vasina muchato.

“Prophet Hungwe vakatora mudzimai wangu vachinyepa kuti vaida kumunamatira nekumuraira mushure mekuona kuti tainetsana,” anodaro Matunya.

“Vakadaidza Samantha kumba kwavo kuWaterfalls uko vakarara naye. Mukadzi wangu akabvuma mushure mekunge ndamubvunza nyaya iyi uye akataura kuti akatanga kunzwa kusada nezvangu kubva musi waakashinha naHungwe.

“Akatyisidzirwa akamanikidzwa kubva pamba pedu asina kuzvironga kunogara kuGweru ndisingazive zvikazoita kuti ndimhan’are kuti ari kushaikwa.

“Ndakamhan’ara zvakare kumapurisa kuti Hungwe akandityisidzira uye kuti akatapa mukadzi wangu. Asi Samantha akamanikidzwa kumhan’ara kumapurisa akabvisa nyaya yekutapwa iyi kumapurisa.

“Ndine mameseji ose pakati pangu naHungwe neemukadzi achiburitsa kuti akavhundutsirwa sei uye kumanikidzwa kuenda pabonde.

“Hungwe anondivhundutsira achiti hapana chinoitika kwaari sezvo achiti anozivana nevakuru-vakuru vakawanda uye akashinga kunditumira mifananidzo yake nemudzimai wangu achiti ndimhan’are kwese kwandinoda.

Akavharidzira chiso chake pamifananidzo yaakatumira uye izvi zvakandivhundutsa pamwe chete nemwanasikana wangu.”

Prophet Hungwe vanoramba nyaya yekuti vakatora Samantha pamurume wake, vachiti vaviri ava vakanga vasiyana.
“Zacharia akanga asiyana naSamantha pandakatanga kudanana naye uye ndakatanga kuziva Samantha vasati vatomboroorana,” vanodaro Prophet Hungwe.

“Sekuru vaSamantha ndivo vari kukonzeresa zvese izvi nekuti vaida kuti ndivabhadhare mari mushure mekunge vaziva kuti ndinodanana naye uye ndivo vakazoenda kuna Zachariah kuti azotanga kutaura zvaanotaura izvi.
“Vaida kundirozva mari asi ndakamira semurume, ndozvavava kuita kuti vade kusvibisa zita rangu,” vanodaro Prophet Hungwe.

Samantha 

Samantha anobvuma kuti ave kugara naProphet Hungwe.

“Wanano yedu yanga ichinetsa uye takasiyana asi kuti hatisati taita chivanhu chekusiyana chete,” anodaro Samantha.

“Ndichiri kutsvaga vanhu vekuti titaure navo kuti ndisiyane naZachariah uye ndakatosarudza kugara naProphet Hungwe. Ndakakurira kumba kwevabereki vaamai vangu uye ndivo vakatambira mari yeroora yakabhadharwa naZachariah.

“Ndivo vasiri kuda kudanana kwandiri kuita naProphet Hungwe uye vakataura naZachariah kuti varwisane nababa vangu chaivo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links