PSC yabhadharira vana vematicha mari dzechikoro

25 Jan, 2023 - 19:01 0 Views
PSC yabhadharira vana vematicha mari dzechikoro Dr Tsitsi Choruma

Kwayedza

Munyori weKwayedza

PUBLIC Service Commission (PSC) inoti zvichitevera nhaurirano yakaitwa mumusangano weJoint National Negotiating Council muna2022, Hurumende yakaronga kuwedzera mari yainobhadharira vana vevadzidzisi vanenge vachiita zvidzidzo zvepuraimari nesekondari.

Muchinyorwa, munyori mukuru wePSC, Dr Tsitsi R. Choruma, vanoti mari yechikoro iyi inobatsira bedzi vana vatatu vakazvarwa nemurairidzi anenge achitsigirwa.

Mushure mechibvumirano ichi, Hurumende inoti inofara nedanho iri.

PSC inozivisa kuti kubva nemusi wa4 Ndira 2023, veSalary Service Bureau vakabhadhara $827 847 387.81 yevana 41 194 vevadzidzisi pasi pechirongwa cheSchool Fees Allowance.

“Tichienda kumberi, Public Service Commission inoshuvira kuzivisa mazuva anozoitwa zvikumbiro zvekubhadharirwa mari yechikoro muna2023 apo zvinofanira kunge zvasvika kumahofisi ePSC ekumadistricts, purovhinzi pamwe nekumuzinda sezvinotevera: temu yekutanga panosvika musi wa30 Ndira 2023, yechipiri kusvika nemusi wa15 Chivabvu 2023 uye temu yechitatu kusvika nemusi wa11 Gunyana 2023,” vanodaro Dr Choruma.

Ibasa revari kunyorera kutsvaga rubatsiro kuona kuti vatumira zvikumbiro zvavo nenguva uye vanenge vanonoka havakwanise kuzobatsirwa.

Chikumbiro chakakwana chinofanira kusanganisira zvinotevera:

Fomu rokukumbira rakazadzikiswa

Gwaro rechitupa cheari kunyorera kuti apinde muchirongwa ichi.

Magwaro ekuzvarwa emwana/vana vekubereka

Umbowo hwekunyoreswa kwevana kubva kuchikoro kwavanodzidza.

Hurumende inoti inoramba yakazvipira mukusimudzira kugara zvakanaka kwevashandi vayo vose.

Share This:

Sponsored Links