PSL yotanga August

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
PSL yotanga August Xolisani Gwesela

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO rePremier Soccer League iro rinoronga mitambo yeCastle Premiership rinoti riri kuronga kuti kutanga mwaka unotevera nhabvu yemuno igotanga kutambwa kubva munaNyamavhuvhu ichizopera Chivabvu wegore rinenge richitevera ra2020.

Kubva kare, nhabvu yemuno inotambwa kutanga munaKurume ichizopera munaMbudzi asi kuuya kwasachigaro mutsva wePSL Farai Jere kwakaona pachisimuka nyaya iyi yekuti karenda yenhabvu yemuno ishandurwe igotanga munaNyamavhuvhu yofambirana neyekunze kwenyika, kunyanya yekuEurope iyo inotanga munaNyamavhuvhu ichizopera munaChivabvu wegore rinotevera.

Mukushi wemashoko wePSL, Kudzai Bare anoti sangano ravo rakanyorera kuZimbabwe Football Association richivazivisa kuti kutanga gore rinotevera vanoda kushandura mwaka wenhabvu kuti utange munaNyamavhuvhu uye vakamirira kunzwa kwavari kuti vofamba nenzira ipi.

“Kutaura kuno tinotevedzera zvatinenge tarairwa neZifa, takanyorera tichivazivisa kuti tave kuda kushandura mwaka wedu.

“Saka kana vati zvakanaka tiendere mberi ndipo patichashandura karenda yedu yenhabvu kutanga gore rinotevera,” anodaro Bare.

Mukushi wemashoko weZifa Xolisani Gwesela anoti sangano ravo riri kuziva nezvenyaya iyi uye richazeya nezvayo apo richaita congress yaro svondo rino.

Anoti parizvino hapana zvizhinji zvaanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi.

“Iyi nyaya tiri kuiziva, tangomirira congress yedu ndipo tichaizeya toona kuti tofamba nenzira ipi.

“Congress yedu iriko musi wa15 Zvita saka kana zuva iri radarika ndipo tichazivisa kuti zvichafambiswa sei,” anodaro Gwesela.

Kana zvikanzi zvashanduka kutanga gore rinotevera mwaka wenhabvu wave kutambwa kubva Nyamavhuvhu uchipera munaChivabvu, pane mibvunzo yakwanda iri pamiromo yevatsigiri venhabvu iyo inoda mhinduro.

Mubvunzo wekutanga ndewekuti panguva iyi mvura inenge ichinaya saka PSL iri kuronga zvipi kugadzirisa dambudziko iri remvura kuitira kuti zvikwata zvitambe zvakasununguka uye vatsigiri vasanaiwe nemvura?

Mumwe mubvunzo ndewekuti sezvo panguva iyi zvakare ndipo panenge pachitambwa nhabvu kuEurope saka PSL  haizotorerwa vatsigiri vayo here vachiona zvikwata zvavanofarira paterevhizheni votadza kuenda kunhandare?

Bare anoti mibvunzo yose iyi vachazoipundura hunge kana vanzwa zvichabva kuZifa pamusoro penyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links