PSL: Zvikwata 4 zviri patambo

21 Nov, 2024 - 18:11 0 Views
PSL: Zvikwata 4 zviri patambo

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvina svondo rino zvicharwa kusvika pakudambuka makumbo segurwe kuti zvisaburitswe muCastle Lager Premier Soccer League.

Mwaka wenhabvu wa2024 uri kupera svondo rino uye zvave kuzivikanwa kuti shasha dzegore rino iSimba Bhora iyo yakasimudza mukombe uyu masvondo adarika apo yaive yasarirwa nemitambo miviri.

Nekune rimwe divi, Arenel Movers yakatoburitswa muPSL zvichitevera kutadza kwayakaita kuwana zvibodzwa zvakakodzera zvekuti irambe iri muligi iri.

Naizvozvo svondo rino maziso ese achange achida kuona kuti ndezvipi zvimwe zvikwata zviviri, pakati pezvina zviri kutatarika, zvichatevera Arenel Movers kudzokera kuDivision One.

Zvikwata zvinoti Bulawayo Chiefs, Bikita Minerals, Hwange neChegutu Pirates neMugovera svondo rino zviri kutamba mitambo yazvo yekupedzisira zvichirwira kuti zvigoramba zviri muPSL mwaka unotevera.

Pachitariswa mamiriro akaita logo parizvino, zviri kutaridza kuti Chegutu Pirates ndiyo iri panguva yakaoma zvekuti inogona kutevera Arenel Movers sezvo ine zvibodzwa 32 uye yakagara pechi17 palogo rePSL.

Svondo rino, Chegutu Pirates iri kunanga kuLuveve Stadium kunosangana neArenel Movers.

Chegutu Pirates ikahwina mutambo uyu inobva yaenda pazvibodzwa 35 yoenzana neHwange pamwechete neBikita Minerals izvo zviri kutamba zvose neMugovera.

Bikita Minerals neHwange FC zvichapinda mumutambo uyu zvine huturu hukuru nekuti zvose zvinoda kuhwina.

Chikwata chichakundwa pamutambo uyu chinenge chave nemukana mukuru wekuburitswa muPSL.

Kuchiti Bulawayo Chiefs, iyo ichasangana neManica Diamonds kuSakubva Stadium kwaMutare, iri kufanirwa kurwa semvumba kuti isaburitswe muPSL.

Amakhosi ine zvibodzwa 36 uye inotofanirwa kuhwina mutambo wayo wekupedzisira uyu apo ichange yakatarisa neziso rimwe kuti weBikita Minerals neHwange uchapera sei.

Kana mutambo weBikita Minerals neHwange ukapera uri mangange ukuwo Amakhosi yokundwa neManica Diamonds, pachange pave kutariswa zvibodzwa kuti ndechipi chikwata chakanwisa kakawanda uye chikazonwiswawo kakawanda izvo zvinozopedzisira zvaomesa nyaya yacho.

Share This:

Sponsored Links