Puromota otsigira vaimbi vari kusimukira

08 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Puromota otsigira vaimbi vari kusimukira Courage Zireva

Kwayedza

Abel Ndooka

PUROMOTA ari kusimukira — Courage Zireva — obatsira vaimbi vachangotanga kuita zvemagitare nechinangwa chekuvaratidza gwara rekufamba naro muchikamu chezvemimhanzi.

Kazhinji, kashoma kuona mapuromota achitaridza chido chekushanda nevaimbi vari kusimukira sezvo vachida kushanda nevane mukurumbira chete.

Asi Zireva anoti shungu dzake kuona vaimbi vasati vave nemazita makuru vachisimukirawo kusvika padanho revane mukurumbira vakaita saAlick Macheso, Jah Prayzah naAndy Muridzo.

“Vaimbi vari kusimuka vanoda kurakidzwa gwara chairo uye tinofanirwa kushanda navo tichivasimudzira kuti vasvikewo padanho rave nevamwe vane mukurumbira.

“Ibasa redu mapuromota kuti tione kuti tapa vaimbi ava mukana wekugadzirawo mazita avo vagosimukirawo mune zvemhanzi.

“Mhanzi ibasa chairo nekuti vaimbi ava vanenge vachitarisira kurarama kubva pairi uye zvikwata zvavo zvavanotungamira zvichitotarisirawo mari kubva kumuridzi wechikwata. Saka ngatipei vaimbi mukana wekushanda vagadzirewo mazita avo,” anodaro.

Zireva kubva zvaatanga zvemhanzi, akwanisa kushanda nevaimbi vari kusimukira vanosanganisira Kerrymore ‘Dedicated Musasa’ Kambezo uyo ange achibatsira kutsikisa mhanzi yake nekumubhadharira mari yekustudio.

Anoti ari kuronga kuita shoo yekuunganidza vaimbi vari kusimukira voridza pamwe chete kuti vagoonekwa nevatsigiri vemhanzi.

“Tinoda kuvapa mukana wekuridza kuti vaonekwe nevatsigiri vemhanzi uye vagozivikanwa.

“Tichapota tichitenderera navo kumapurovhinzi akasiyana vachiridza, panguva imwe chete vachitengesawo maCD avo kuitira kuti mhanzi yavo ipinde muvanhu igozivikanwa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>