Uncategorized

Pwere dzoitiswa mabasa akaoma

16 Jul, 2021 - 14:07 0 Views
Pwere dzoitiswa mabasa akaoma

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA dzekushandiswa kwevana mumabasa akasiyana munguva ino apo vagere kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19 dziri kuwanda sezvo vasiri kuenda kuchikoro sedanho rekumisa kupararira kwedenda iri.

Kwayedza inotenderera kuDomboshava, Shamva, kuChitungwiza nemuHarare ndokuona kuti vamwe vabereki vava kutotora chirongwa cheLockdown semukana wekushandisa vana mabasa anosanganisira kutengesa pamusika, kunochera mvura kuzvibhorani, kurima nekushanda mudzimba.

Vamwe vakatomisa vasikana nevakomana vaivashandira nekuda kwekuti mabasa aya ava kuitwa nevana vavo.

Vamwe vana vanonzi vava kushandiswa mabasa akaoma sekunokorokoza zvicherwa, kutengesa muviri kana kupemha pakati pezvimwe zvisinei nemazera.

Vamwe vabereki vanotaura maonero avo nezviri kuitika kuvana izvi.

“Ichokwadi, vana havachina zororo kudzimba uku sezvo, vari kutumwa kuita mabasa ezvicherwa sekuno kuShamva vazhinji vatova makorokoza zvekuti kunyangwe zvikoro zvikazovhurwa, vamwe vavo vanenge vasisade kudzidza nekuti varavira mari.

Mabasa avari kuita anorwadza zvekuti anotoda vanhu vakuru kana kuti michina chaiyo.

“Zvekare, kunzvimbo idzi kunoitwa mabasa echipfambi pachena zvekuti pwere dzinopedzisira dzava kutoona sekuti ndizvo zvekutevedzera, vogumisira vapinda panyatwa yechirwere cheCovid-19 nekutapurirwa HIV,” vanodaro VaSimon Munandi.

VaMunyaradzi Chizola vekuChitungwiza vanoti kushandiswa kwevana vezera risingatenderwe nemutemo kunoreva kuvaitisa mabasa akaoma ayo anofanirwa kuitwa nevanhu vakuru vezera remakore anobva pa18 ekuberekwa zvichikwira.

Mabasa aya anovarwadza nekuvakuvadza uye haana chaanovabatsira muupenyu hwavo sevana.

“Kune mamwe mabasa anogona kuitwa nevana sekuwacha, kusuka kana kubika uye hatingati kushandiswa asi kuti kubatsira pamusha zvekare zvinoumbawo remangwana ravo kuti vazova vanhu vanoziva zvavanotarisirwa kuizoita pavanokura.

“Asi kana tikazoonawo vana vava kushandiswa mabasa akaomarara uye kwemaawa akawanda, ndiko kwatinoti kushandiswa kwevana kusingatenderwi nemutemo. Imhosva inoendesa kujeri kushandisa vana,” vanodaro.

Mbuya Simbisai Magora vekuChitungwiza kwekare vanotiwo vanobatikana zvikuru nehuwandu hwevana vari kuswera vari pamisika nekuzvibhorani vachichera mvura munguva ino yeCovid-19 uye kunze kuchitonhora.

“Vamwe vana tinovaona vasina kupfeka zvinodziya, apa vachisunda ngoro dzizere zvigubhu nemigomo yemvura. Vamwewo vari kuswera vachitengesa pamisika uye vasina kupfeka zvinovadzivirira kuCovid-19.

“Unoona pwere dzine makore mashanu dziri pamusika dzichimhanyisana nemabhazi kutsvaga vatengi zvinopa mikana yekutsikwa kana kumbunyikidzwa nenzira yechibharo panzvimbo idzi. Kudai Hurumende yapindira yanunura vana ivavo yosunga vabereki vari kuvatuma kusanganisira vaya vanopemha. Zvinofanira kupera sezvo vabereki vanenge vagere zvavo sekunze kwemigwagwa vachituma pwere kupemha pakati pemigwagwa,” vanodaro.

Zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19, Hurumende svondo rino yakawedzera hurongwa hweLockdown nemasvondo maviri, zvimwe chetezvo nekuvhurwa kwezvikoro.

Kugara kuri kuita vana kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19 ndiko kumwe kwava kukonzera dzimwe nyaya dzekumbuyikidzwa kwepwere pamwe nekushandiswa mumabasa anorwadza.

Mitemo yemuZimbabwe inoona nezvemabasa, Labour Act pamwe neChildren’s Act 5:06, inorambidza kusevenzeswa kana kupinzwa mabasa kwevana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa kana kuvashandisa mabasa anogona kukanganisa utano hwavo.

Ongororo yakaitwa nesangano reUnicef inoratidza kuti vana 1.3 miriyoni munyika inherera uye 100 000 vavo vanogara voga mumhuri dzavanotungamirira.

Sangano reInternational Labour Organization (ILO) rine donzvo rekurwisa nyaya dzekushandiswa kwevana (elimination of child labour, protection of children and young persons) zvinova zvinofambirana nebumbiro remutemo.

Zvichakadai, huwandu hwevanhu vari kufa nekuda kwechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira zuva nezuva muZimbabwe sezvo nemusi weChitatu bedzi, vanhu 58 vakafa nedenda iri zvichibva zvakwidza huwandu hwevashaya munyika kuenda pa2 332.

Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvayo zvakananga kudzivirira veruzhinji kuchirwere ichi sekuona kuti vabaiwa majekiseni anodzivirira Covid-19 nezvimwewo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>