Ramangwana rirongere

01 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Ramangwana rirongere Tendayi Tagara

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTUNGAMIRI wesangano reNational Athletics Association of Zimbabwe, Tendayi Tagara, anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwapa chidzidzo chikuru kune vanoita zvemitambo yakasiyana uyewo neveruzhinji chekuti zvakakosha kurongera remangwana.

Mashoko ake anotevera kumiswa kwakamboitwa mitambo pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 izvo zvakaona vatambi vakawanda vachikwangwa muhupenyu hwavo. Tagara anoti shasha dzakawanda dzemujaho wekumhanya dziri kudya nhoko dzezvironda pari zvino.

“Shasha zhinji dziri kutambura kutaura kuno nekuti havana chekubata sezvo vange vachiraramiswa nemari yange ichibva kumijaho yakasiyana yavaikwikwidza.

“Saka kubva kuuya kwakaita Covid-19 yakabva yaendesa zvinhu zvose mudondo, kufamba chaiko kuenda kunze kwenyika kwange kuchitadzika nekuti tange tisiri kukwanisa sezvo miganhu yenyika dzakasiyana yange yakavharwa.

Ngoni Makusha

“Tave kutarisira chidimbu chasara chegore kuti pachaitawo zvinenge zviri nani,” anodaro Tagara.

Anokurudzira shasha dzemujaho uyu kuti dzishandise mari nemazvo kuitira remangwana vagowana pekubata kana zvinhu zvaita manyama amire nerongo.

“Togara tichipa kurudziro kuvamhanyi vese kuti shandisai mari dzenyu nemazvo kuitira remangwana hauzive kuti zvinhu zvinozomira sei.

“Izvezvi hupenyu hwedu hwatoshanduka nekuda kwechirwere ichi saka kana usina kurongeka unochema.

“Asi tine mufaro kuti vamwe vanoterera vakaita saMarko Mambo, Cuthbert Nyasango, Mike Fokorani, Sharon Tawengwa naNgoni Makusha vanogona kushandisa mari dzavo uye vava nepekugara zvinove zvinodadisa zvikuru,” anodaro Tagara.

Share This:

Sponsored Links