Rambai muri mudzimba

16 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Rambai muri mudzimba

Kwayedza

NEMUSI weMuvhuro svondo rino, vanhu vemuZimbabwe vakapinda musvondo rechitatu kubva pavakatanga chirongwa chekuti veruzhinji vambogara mudzimba dzavo kwemazuva 21 sedanho rekudzivirira kutapurirana nekutekeshera kwechirwere chanetsa pasi rose, cheCovid-19.

Mamwe masvondo maviri vanhu vatanga chirongwa ichi akafamba zvakanaka.

Svondo rekupedzisira iri rava basa remunhu wose kuti aone kuti pake aita — agara mumba kudzimara veruzhinji vazoudzwa neHurumende, kwete kana neSocial Media, kuti vachibuda.

Mashoko ekuti chirongwa ichi chapera haangotaurwa pose-pose sepaSocial Media, bodo asi kuti anofambiswa nenzira kwadzo dzagara dzichifambiswa nadzo mashoko neHurumende. Zvevamwe vanhu vanongofambisa nhema hazvisi zvekutevedzera.

Kuti Hurumende ichati chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba chasvika kumagumo mushure memasvondo matatu kana kuti chichawedzerwa hazvingotaurwa nemunhuwo zvake, vanhu mirirai chokwadi muri mudzimba.

Sezvakamboitika pakuzivisa veruzhinji kuti kwava nechirongwa ichi, vanhu tichangoziviswa nenzira dzimwe chetedzo.

Asi kazhinji rwendo rwunowanzorema kana munhu wave pedyo kusvika. Saka veruzhinji tipangwarire ipapo.

Izvi zvekuti vanhu vanongoonekwa vombeya-mbeya mumigwagwa vachifamba nzendo zvisina mvumo hazvibatsire. Vanhu rambai muri mudzimba kudzimara manzi chibudai.

Chinangwa chekuti izvi zviitwe hakusi kuti Hurumende ine wairi kupfidzisa, bodo. Ndokusaka President Mnangagwa vakataura masvondo maviri adarika kuti chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba handi kupfidzisana bodo, asi kuti kuedza kuchengetedza upenyu hwevazhinji kubva kuchirwere chanetsa pasi rose ichi.

Dai tose tangopedzisa mazuva akatarwa aya tigonzwa kuHurumende kuti zvava kuzofambiswa sei. Nekuti tikasadaro tinopera nechakapedza mbudzi.

Coronavirus — utachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 — inotapuriranwa nekukasika kunyanya muvanhu vanongofamba.

Saka kugara mudzimba kuedza kumisa kutapurirana nekupararira kwedenda iri.

Hongu, vanhu vakawanda vane zvavanoda kuita izvo zvasarira mumashure nekuda kwe”lockdown”.

Asi zviri nani ndezvipi kuti ugare mumba, wova neupenyu hunoita kuti mangwana uzoita zvose zvaunoda pane kunge worwara kana kuti wafa neCovid-19?

Upenyu hwakakosha saka ngatihuchengetedzei. Zvimwe zvose zvinozotevera kana tararama hondo yeCovid-19 yatakatarisana nayo iyi.

Vanhu rambai muri mudzimba!

Share This:

Sponsored Links