RANL yadzoka

23 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
RANL yadzoka VATAMBI veGlow Petroleum Queens vachatambidzwa mukombe wavo weRANL uyo vakahwina gore radarika

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenetball zvinokwikwidza muRainbow Amateur Netball League (RANL) zviri mushishi kuita gadziriro apo zvakatarisana nekutanga kwemwaka wa2023.

Mwaka weRANL uchange uri mudiki sezvo chikwata chenyika chemaGems chine mitambo yakawanda gore rino inosanganisira World Cup.

Izvi zvichaona vatambi vakawanda vanotambira muleague reRANL vachienda kunotambira maGems.

Munyori mukuru weRANL — Moses Gukumure — anoti mwaka wavo uchatanga nemusi wa4 Kukadzi uye gore rino zvikwata 18 zvichakwikwidza muRANL.

Gukumure anoti zvikwata zvichakwikwidza zvese zvakarongeka zvekuti vane chivimbo chekuti mwaka wavo uchapera zvakanaka kusiyana negore radarika apo zvimwe zvakange zvave kukundikana kuenda kunozadzikisa mitambo yazvo.

“Mwaka wegore rino ra2023 uri kutanga nemusi wa4 Kukadzi uye uchange uri mudiki nekuti kune zvirongwa zvechikwata chenyika. Saka tiri kuda kupedza mitambo yedu yose mitambo yenyika isati yatanga.

“Chatiri kufarira mwaka uno ndechekuti tine zvikwata 18 zvakarongeka uye zvese tinovimba kuti zvichabudirira kupedza mitambo yazvo nekuti gore radarika zvimwe zvakange zvave kukundikana kuenda kunozadzikisa mitambo yazvo.

‘‘Zvaida kungotamba netball zviri pamusha zvisingade kuenda kunotamba kunze nekudaro takazviburitsa.

“Saka mwaka uno tinovimba kuti mitambo yedu ichafamba zvakanaka,” anodaro Gukumure.

Zvakadaro, chikwata cheGlow Petroleum Queens nemusi weMugovera chakagashidzwa mukombe wacho wekuhwina kwachakaita league mwaka wa2022 pamhemberero dzakaitirwa muHarare.

Glow Petroleum Queens, iyo inorairidzwa naPerpetua Siyachitema, yakakwanisa kuchengetedzwa mukombe wayo wayakahwina mugore ra2021 ndokuwaniswa mari inosvika US$3 000.

Nerimwe divi, Siyachitema akatorawo mubairo wacoach of the year. Vatambi venetball vanoti Lesban Makaraso weGold Reef naPrecious Shumba weSupport Unit ndivo vakahwina mubairo weplayer of the year uye ndokuwaniswa US$200 pamumwe nemumwe wavo.

Makaraso akahwinha zvekare mubairo werookie of the year kuchiti shasha yetball, Pauline Jani weMambas Queens akahwina mubairo wegolden hand.

Mwaka wa2022 wakaona Jani achinwisa ka1 065 mumitambo yaakatamba.

Share This:

Sponsored Links