‘Rapwai nguva ichiripo’

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
‘Rapwai nguva ichiripo’ Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere
VANHU vanenge vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 vanofanira kuenda kunorapwa kuchipatara nguva ichiripo nechinangwa chekuti vave nemikana yakakura yekurarama zvichitevera kuwanda kuri kuita vari kubatwa nedenda iri muno.

Zimbabwe yakadzokera pachidanho cheLevel Four chekurwisa chirwere ichi (lockdown) nechinangwa chekuderedza huwandu hwevari kubatwa nedenda iri izvo zvinogona kudzosera shure budiriro yange yavepo maringe nekumisa kupararira kwaro. Kuwanda kuri kuita zvizvarwa zvemuno izvo zviri kudzoka kubva kunyika dzakapoteredza Zimbabwe kunonziwo kuri kukonzera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana Dr John Mangwiro vanoti zvakakosha kuti vanhu vanenge vaona zviratidzo zvezvirwere zvavasinganzwisise vaende kuchipatara nguva ichiripo.
“Avo vane zviratidzo zvechirwere chavasinganzwisise vanofanirwa kuenda kunorapwa nguva ichiripo denda risati radzika midzi.
“Pagara paine dambudziko revarwere vanozoenda kunorapwa nguva yapera izvo zvine njodzi huru sezvo zvichideredza mikana yekurarama kwavo.

“Tiri kukurudzira avo vane zviratidzo kuti vaende kunorapwa nguva ichiripo kwete kuti vamirire kusvikira mamiriro ezvinhu aipa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudzira zvakare veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho akatarwa neHurumende ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kupfeka mamasiki nenzira kwayo, kugeza mawoko nemvura ine sipo uye vorega kuita chitsoko-tsoko.

Harare neBulawayo pari zvino ndiwo matunhu ari kukurumbira panyaya yekupararira kwechirwere ichi asi Dr Mangwiro vanoyambira vanhu vari kune mamwe matunhu kuti havafanirwe kuvarairwa pakutevedzera zvinodiwa mukurwisa denda iri sezvo richiriko zvakasimba.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation rinoti zviratidzo zveCovid-19 zvinosanganisira kupindwa nechando mumuviri, kutemwa nemusoro, chikosoro chakaomarara, kunzwa kupera simba, kutadza kufema zvakanaka, kunzwa kusada kudya chikafu, kuomarara kwepahuro uye kukwira kwekudziya kwemuviri zvekudarika 38 °C.

Vakafanobata chigaro chachamangwiza wechipatara cheMpilo Central Hospital Professor Solwayo Ngwenya vanoti pane mukana mukuru wekuti chirwere ichi chapararira nenyika nekudaro vanhu vanofanirwa kurapwa.

Vanoti kuBulawayo kune nyaya iri kushungurudza yevanhu vanozoenda kuchipatara varwarisa uye vobva vafa vachangopihwa mibhedha.

“Tiri kurarama pakati pechirwere ichi. Vanhu vanenge vasinganzwi zvakanaka vanofanirwa kuenda kuchipatara nekukasika kuitira kuti tikwanise kuvabatsira nenguva’’ vanodaro Professor Ngwenya.

Share This:

Sponsored Links