‘Ratidzai kukosha kwemadzimai’

24 May, 2023 - 19:05 0 Views
‘Ratidzai kukosha kwemadzimai’ Tafadzwa 'RG Dicoma Anomala' Kanjirai

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemadhirama neny’ambo – Tafadzwa “RG Dicoma Anomala” Kanjirai – anoti zvakakosha kuti chikamu chemadhirama nemimhanzi chishande pamwe chete mukusimudzira vanhukadzi.

Kanjirai anoti vanobika madhirama vanofanirwa kugadzira mitambo nemafirimu akawanda anoburitsa kukosha kwemadzimai nekuratidza mabasa avanoita munharaunda dzavagere.

“Madzimai anotikoshera zvikuru saka isu tiri mune zvemadhirama tinofanirwa kunge tichibika angave madhirama kana mafirimu anoburitsa kukosha kwavo muupenyu hwedu.

“Tiri ipapo, ndinoti ngatitsigirei madzimai ari mune zvemadhirama vodzidziswa kuabika zvemandorokwati.

“Mukudaro, tinenge tichisimudzira madzimai edu tichivavhurirawo mikana yekuti vagosimukira muupenyu hwavo,” anodaro Kanjirai.

Kanjirai, uyo anoshanda nechikwata cheBlue Sky Generation, nguva pfupi yadarika akabika madhirama anobata nyaya dzinoshungurudza veruzhinji munharaunda.

Anoti kubika kwaanoita madhirama donzvo rake kusimudzira vechidiki nekuvapa mikana yekuti varatidze matarenda avo.

“Nguva yandakapinda mune zvemadhirama zvainge zvakaoma zvekuti kana usina wekuziva hakuna aikupa mukana. Saka ndakatanga kushanda ndichizviitira zvinhu zvangu zvishoma nezvishoma kusvikira pandave iye zvino.

“Ndakasangana nematambudziko akawanda nekudaro ndave kushanda ndichipawo mikana kune vechidiki vanoda kupinda mune zvemadhirama avo vandinodzidzisa pachena kuti anonyorwa nekubikwa sei,” anodaro.

Kanjirai anonyanya kuzivikanwa nemadhirama anosanganisira Kushora Dare naHaurinwe.

Share This:

Sponsored Links