Uncategorized

RCZ yoita ongororo

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
RCZ yoita  ongororo Mai Susan Muzite

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KANZURU yeResearch Council of Zimbabwe (RCZ) inoti iri kuita ongororo munyika yose yekuona huwandu hwemari, vashandi pamwe nezvimwe zvingadiwa mukuita mabasa ebudiriro nevanhu vari mumabhizimusi madiki neari pakati nepakati.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare munguva pfupi yadarika, Mai Susan Muzite — avo vanova executive director wekanzuru iyi — vanoti Hurumende ine donzvo rekuzadzikisa zvinangwa zvegore ra2030 zvekusimudzira vari mumabhizimusi madiki neari pakati nepakati kuburikidza nekuita ongororo yezvevashandi, mari nezvimwe zvinodiwa mumabasa avo.

“Zvinangwa zveongororo iyi zvakakosha nekuti zvichabatsira mukusimudzira nyaya dzeupfumi nebudiriro muZimbabwe sevanhu vari munyika ine vanhu vazhinji vari kubata mari shoma.

“Zvinobatsirawo mukushambadzira kune dzimwe nyika nemuno kuti pange pachizivikanwa kuti zvakati nezvakati zvinogadzirwa muZimbabwe uye zvichiwanikwa panzvimbo dzipi. Kureva kuti nyika ichawana mari yekunze mukudyidzana mumabhizimusi nedzimwe nyika,” vanodaro.

Donzvo ravo, vanodaro Mai Mutize, nderekuona hudzamhu hwebudiriro mukati mevanhu vari mumabhizimusi madiki nemibatanidzwa zvichibatsira mukumutsiridzwa kwemabasa.

Zimbabwe ine huwandu hwakakura hwevanhu vasina mabasa akati tsvetere uye chikamu chinodarika 90 percent chevanhu chinonzi chinopona nekuita mabhizimusi madiki neari pakati nepakati senzira yekusimudzira upfumi hwenyika nekuwana chouviri.

Vari mumabhizimusi aya vanonzi vanobatsira nechikamu che20 percent chemari munyika kubva mumabasa avanoita.

Kanzuru yeRCZ inoti ichaita ongororo iyi kumatunhu ose enyika.

RCZ — iyo inoshanda iri pasi pemahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet — ine chivimbo chekuti ongororo iyi ichaita kuti zvigadzirwa zvemuno zvinge zvichipinda mumisika mikuru yepasi rose.

Mai Muzite vanokurudzira vari mumabhizimusi madiki neari pakati nepakati nevari mumibatanidzwa kuti vange vachibuda pachena kuti vakwanise kuzoshandisa zvichabuda muongororo iyi mukusimudzira zvigadzirwa zvavo nemabasa avo kune mimwe misika yekunze.

Mukuita ongororo iyi, RCZ iri kushanda pamwe chete nemapoka akasiyana anosanganisira sangano reZIMSAT, bazi rezvedzidzo yepamusoro, sainzi neruzivo rwezvemichina nebazi rezvemadzimai, nharaunda, nekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati.

Ongororo iyi yakatanga munaChikunguru uye inotarisirwa kupera pakutanga kwaNyamavhuvhu.

Share This:

Sponsored Links