Rega kujairira kuita huchapa

12 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Rega kujairira kuita huchapa

Kwayedza

CHIRWERE cheCovid-19, icho chinokonzerwa nehutachiona hwecoronavirus, chiri kuramba chichipararira muZimbabwe uye kusvika pari zvino vanhu 314 vabatwa vainacho.

Hurumende pamwechete nemapoka akasiyana vari mushishi kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Asi, zvakakosha kuziva kuti Hurumende kana kuti mapoka airi kubatsirana nawo havakunde hondo yekurwisa kupararira kweCovid-19 voga sezvo veruzhinji vaine chikamu chavo chikuru chavanofanirwa kuita.

Kana vanhu vose vakabatana uye vakaisa misoro pamwechete, zviri nyore kukunda dambudziko raunzwa nechirwere ichi uye hazvidi kuita humbimbindoga.

Zvinogoneka kuti Covid-19 ikundwe uye kuti irege kupararira zvachose sezvakaitwa nenyika yeNew Zealand iyo inonzi yakabudirira mukumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus.

Nyika iyi inonzi pari zvino haina kana munhu mumwechete ane chirwere ichi.

Asi hazvisi nyore kuti zvakadai zviitike sezvo zvichida kuzvipira uye kushanda nechinangwa chimwechete.

Nyaya iri kunetsa ndeyekuti kune vamwe vave kuda kuita chijairira panyaya yekurwisa Covid-19 nekusakoshesa zvavanoudzwa kuti vatevedzere nenyanzvi dzezveutano.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya iri pamusoro peyambiro iri kupihwa veruzhinji naDr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Coordinator, National Response to Covid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika yekuti vanhu vasapfeke mamasiki ane tsvina sezvo zviine njodzi yekuparadzira zvirwere kunze kweCovid-19.

Mamasiki anopfekwa kumeso aya ari paviri kuti anenge akaita zvekusonwa nejira ayo anowachwa kana achinge asviba nemamwe anongoshandiswa kamwechete obva araswa.

Kune vamwe vari kuonekwa vakapfeka mamasiki ane tsvina zvikuru, angave ayo anowachwa kana kuti anoshandiswa kamwechete achibva araswa.

Sekutaura kwaDr Mahomva, katsika kekushandisa mamasiki ane tsvina kane njodzi yekuti zvirwere zvinoramba zvichipararira.

Asi kana munhu achipfeka masiki yakakonona netsvina chii chinenge chichimboitika kwaari?

Nyaya iripo haizi yekuti chero munhu akapfeka masiki, asi kuti masiki yacho ngainge yakachena uye yakapfekwa nemazvo.

Kunze kwekupfeka mamasiki, zvakakosha zvakare kuti veruzhinji vatevedzera mamwe matanho ose ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Sekutaura kwaDr Mahomva, hazvibatsire kuti munhu ongopfeka masiki yoga asi oenda panzvimbo idzo vanhu vanoita chitsokotsoko sezvo pakadai paine njodzi yekutapurirana chirwere.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vagare vachiita hutsanana, zvikuru hwekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka.

Covid-19 ichiriko uye inouraya. Haisi yekuita chijairira nayo nekuti tikadaro tinopera nechakapedza mbudzi.

Share This:

Sponsored Links