Regai kubereka nyika chimbembeza

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views

Kwayedza

MUKWENDE mazuva ano ari kupota achimboshaikwa munharaunda kunge ari kugadzirira kurima, kana munhu akurirwa nemutoro.

Marimuka azere nezviitiko zvokuti tikatura mutoro wacho tokuratidzai zvatiri kusangana nazvo mugore rino rezvidzidzo, munoshamisika. Tiriko kwatiri kuudzwa kuti vamwe vari kutamba nenyika, vachida kuibereka chimbembeza sendumure.

Vana baba havangambozivi kuti “kubereka mwana chimbembeza” zvinorevei, nokuti ibasa remadzimai iri. Kana mwana ave kuberekwa chimbembeza zvoreva kuti haachadi mbereko nokuti akaiswa kumusana anokwanisa kubatirira mapendekete emunhu akamubereka, iye akabereka omubatawo kuti asadonhe.

Mumarimuka matiri kufamba umu mune rokuti pane vamwe pakati pedu vanofunga kuti kuwana rusununguko makore 35 apfuura, nyika yakura zvokuti yave kuda kuberekwa chimbembeza. Zvanzi ivava, ndivo nhasi vamutsa manyongori mubato riri kutonga reZanu-PF, vachitadza kuziva kuti makore 35 Zimbabwe yazvarwa, muvengi ari mushishi kutsvaga nzira dzaangadzoka nadzo.

Kana akatadza kudzorwa neMDC nanaMorgan Tsvangirai, kune vamwe vane kaitiro kekuda kuti muvengi adzoke. Ngatimbotarisai musangano weZanu-PF uri kuitwa svondo rino kuVictoria Falls. Vana mharadzi ndivo chete vanotadza kuziva musiyano weCongress inosarudza hutungamiri hwemusangano inoitwa mushure memakore mashanu, neConference inoitwa kupera kwegore roga roga bato rinotonga richida kuona kuti rakafambisa sei zvinhu zvarakazvitarira.

Toti sokutaura kunoita vakuru, kuvaraidza nguva kunge mapadza ari mundima imwe chete anopota achirovana; kana kuti kuda kurovana huma nehuma. Asiwo, guhwa harivake musha. Zvose zviri kuitika izvi, kupfura nzou nerekeni nokuti pane vaya vanofunga kuti zviri nyore kubvuta nyika voipa chero wavada, ngavazive kuti varidzi vayo vanoti pasi pavanotsika pane mhamhasi. Kana wakambofambwa-fambwa kana kurumwa nemasvosve anonzi mhamhasi, woziva kuti, mazino.

Vaenzi jahwi, asi havapedzi dura!

Masvondo apfuura akange akagukuchira. Rakange riri besanwa. President Mugabe vachienda kumisangano kune dzimwe nyika, kunowo vaenzi vaibva kunyika dzakasiyana-siyana pasi rose vachipinda munyika.

Vakati vachibva kuTurkey kumusangano weG20, vakangorara hope vachibva vapfuurira kumusangano wenyika dzapasi rose, musangano wezvamamiriro okunze (COP21) kuguta reParis, kuFrance. Vanhu vakambofunga kuti musangano uyu uchatadza kubudirira nokuti musi wa13 Mbudzi magandanga akabhomba nokuuraya vanhu vakawanda muParis. Asi vatungamiri vapasi rose vakaramba kuitwa mbwende nemagandanga eISIS kana Al-Qaeda anoda kushandisa mweya wokutyisidzira.

Mutungamiri weChina, President Xi Jinping, vakabva vauyawo muno, vanhu vakati Zimbabwe zvino yatsikwa navahombe. President Xi vakashanyira Zimbabwe kokutanga musi wa1 na2 Zvita, vachiperekedzwa nemudzimai wavo Madam Peng Liyuan. Zvibvumirano zvokudyidzana nezvoupfumi zvakanyoreranwa munaNyamavhuvhu 2014, President Mugabe vashanyira China zvakavandudzwa.

Kana vanhu vari kuda mari, vanoda kuti zvose zvavanotarisira zviitike nguva iyoyo, asi hazvidaro. Nyika imwe neimwe ine mitemo yayo, uyewo pane zvavanoongorora vasati vanyatsozvipira. Mupfungwa dzavanhu, vakaona kuti kushanya kwemutungamiri weChina mucherechedzo wokuti China iratidze kuti hushamwari hwayakasorana neZimbabwe ichiri kurwa hondo yorusununguko, huve hushamwari hune zvinobatika kuti zvizivikanwe kuti zvavakabatsira zvine pundutso.

Nyika dzakabatsirwa neChina, kusanganisira Zimbabwe, dzakamboita sokukanganwa kuti akavapa zvombo nokutirena varwi vavo ndiani, vakapedzisira vadzoka zvakare kunyika dzokumadokero dzakange dzakavapamba.

Asi vanhu nhasi vangomirira kuzadzikiswa kwezvibvumirano, kusimuka kwoupfumi, kuwanikwa kwamabasa neraramo yavanhu yakanaka. Zvinouya, asi vanhu ngavayeukewo kuti mukunonoka kwazvo, vokumadokero vanogona kubvongodza muto zvakare. Kubudirira kweZimbabwe neAfrica, zvorevawo hushamwari hwakanyanya pakati peChina nenyika dzeAfrica.

Izvi zvakabuda pachena musi wa4 na5 Zvita pakaitwa musangano weChina neAfrica: Forum on China-Africa Cooperation kuSouth Africa. President Xi vakasimuka kubva muHarare musi wa2 Zvita, manheru mamwe chetewo, President Mugabe vachiendawo kuSouth Africa.

Tave kupedza gore kudai, tinoona kushanda kukuru kwomutungamiri wenyika, vachitungamirira nyika, dunhu reSadc kusvika munaNyamavhuvhu, nokutumaririrawo African Union pamisangano yose iyi. Imbeu yakatodyarwa iyi. Pavakaenda kuhondo havana kuita “kange mbeu kurima kwandikona”, vakauya nayo Zimbabwe yakasununguka.

Zvimwe chetewo nanhasi. Gore ra2014 na2015 rine goho guru mune ramangwana. Ndokusaka Mukwende ati, batai hana, musabereke nyika chimbembeza.

Hatikanganwewo gurumwandira ravashanyi vakauya kumusangano weInternational Conference on Aids and STIs in Africa (ICASA 2015). Vakazvionerawo voga kuti kana zvichinzi Zimbabwe ine runyararo, zvinorevei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey