Regai kudherera Covid: Mahomva

02 Dec, 2020 - 15:12 0 Views
Regai kudherera Covid: Mahomva Dr Mahomva

Kwayedza

 Tandayi Motsi

DAMBUDZIKO guru rakatarisana neZimbabwe mukurwisa chirwere cheCovid-19 kusatevedzwa neveruzhinji matanho ekumisa kupararira kwacho anosanganisira kugara vakapfeka mamasiki nekusaita chitsokotsoko, izvo zviri kuona huwandu hwevari kubatwa nedenda iri huchikwira.

Vachitaura pachirongwa chepasvondo icho vanozivisa nyika mamiriro echirwere ichi, Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-rdinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti zvinorwadza kuona kuti veruzhinji havasisina hanya nekutevedza matanho akatarwa aya sezvo izvi zviine njodzi huru yekuti Covid-19 inoramba ichipararira munyika.

“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa kwaita kuti vakawanda munharaunda vave nemibvunzo. Vamwe vanoda kuziva kuti Covid-19 yanyuka kechipiri here, vamwe vanoda kuzivawo kuti tichadzokera here kuchirongwa chizere chelockdown (total lockdown).

“Vamwe vanofunga kuti vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi nekuti nyika haisisiri palockdown. Asi sekutaura kwandakaita svondo rapera, Zimbabwe ichiri palockdown,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dambudziko guru rakatarisana nenyika ndere kusatevedzwa nevanhu matanho akatarwa ekurwisa Covid-19. Zvakakosha kuti tizviyeuchidze kuti tose tinofanirwa kutevedzera matanho aya zvizere.

“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kuita chitsokotsoko munzvimbo dzakasiyana kuri kukonzera kuwandawo kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi. Vamwe havasi kupfeka mamasiki nekutevedzera mamwe matanho anokurudzirwa.”

Dr Mahomva vanoti pari zvino hapana imwe nzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 kunze kwekutevedzera zvinokurudzirwa mukurwisa chirwere ichi sezvo chisati chawanirwa mushonga (vaccine).

Vanoti kazhinji mishonga yemhando iyi inotora nguva yakareba kuti ivepo nekuda kwetsvakurudzo dzakadzama dzinofanirwa kuitwa isati yatenderwa kushandiswa neveruzhinji maringe nemitemo yesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO).

“Pari zvino ngatirambe tichitevedzera zvakatarwa zvekuti tisaite chitsokotsoko, topfeka mamasiki nenzira kwayo tichivhara mhuno nemuromo uye kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer,” vanodaro Dr Mahomva.

Kusvika nemusi weMuvhuro uno, vanhu 10 034 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 8 489 vakatopona asi vamwe 277 vakafa.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawandisa vane chirwere ichi vanove 3 393 apo 3 143 vakapona asi vamwe 121 vakafa.

Bulawayo iri pechipiri nevanhu 2 306 vane denda iri uye 1 765 vakapona, vamwe 80 ndokufa.

Dunhu reMashonaland Central ndiro rine vanhu vashoma vane Covid-19 vanove 240 apo 217 vakapona asi vamwe vashanu vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>