Uncategorized

‘Regai kungochema, asi kuti zvishandirei’

13 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
‘Regai kungochema,  asi kuti zvishandirei’ Bridget Mudota

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo veruzhinji vari kuita sevanochema-chema nekuda kwematanho akatorwa neHurumende ekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, mumwe mudzimai anogara mumaAvenues, muguta reHarare, anoti bhizimisi rake rekuruka mhete nezvimwe riri kuendeka zvikuru apo ari kuzvishambadza pamadandemudande sepaFacebook neWhatsApp.

Bridget Mudota – uyo aimbova mutori wenhau – anoti hazvibatsire kuti veruzhinji vangochema nekuda kwematambudziko ari kukonzerwa neCovid-19, asi kuti vatore mukana uyu kusimudzira mabhindauko avo.

“Ndakatanga bhizimusi iri mumwedzi waKurume 2018 uye ndinoruka midziyo yemicheno semhete, chuma chemuhuro, chemuchiuno nemumakumbo, pakati pezvimwe. Bhizimusi iri ndakaritanga mushure mekunge ndasiya basa kwandaishanda ndokuenda kunofundira basa iri kwezuva rimwe chete,” anodaro.

Mudota anoenderera mberi achiti, “Ndakatanga ndichitengesera vanhu kumachechi asi iko zvino ndava nemakasitoma emuno neekunze kwenyika kubudirikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwemasaisai mukushambadza basa rangu. Munguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba, handimbooni shanduko yakanyanya nekuti basa rangu rinofamba zvikuru chero ndiri mumba zvekuti ndinotokaruka kunze kwadoka ndiri mushishi kutunga chuma changu vanhu vanotenga vachingodaidzira.”

Mudota anoti gore rapera pakanyuka chirwere cheCovid-19, upenyu hwakambomuomera.

“Ndakambopinda panguva yakaoma apo vatengi vakanga vasisawanikwe nyore nekuti vaitofanira kusvika kumba kuti vazoona zvinhu zvandinogadzira asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, munhu wose aisungirwa kugara kumba kuti chisapararire.

“Saka nguva ino yechikamu cheLevel Four cheLockdown, ndiri kutoshandisa mukana uyu mukugadzira mhete dzakawanda ndichizvishambadza paFacbook neWhatsApp nekuti zvakakosha pane kuti vanhu vauye kuzoona zvigadzirwa zvangu. Ndinotora mifananidzo nemavhidhiyo vatengi ozvionera voga vachiita sarudzo vari kwavari ikoko uye pakutenga vamwe vanotumira mari nenzira dzechizvino-zvino asi kana vari pedyo vanouya nemari yemusvo. Kuno tinoshandisa masanitizer kuti chirwere ichi chisatibate,” anodaro.

Zvisinei, anoti vakawanda vanoita mabhindauko emawoko raramo yavo inokanganiswa zvakanyaya nekuda kwezvirongwa zvekuti vanhu vambogara kumba.

“Sevanhu vari mumabhizimusi emawoko, tine tarisiro yekuti chirwere ichi kudai chapera, zvikuru kana tikaramba tichitevedza zvinodiwa kuitira kuti bhizimusi rimwe nerimwe rifambe zvakanaka tichiwanawo mikana yekuenda kunzvimbo dziri pajekerere tichiratidzira zvigadzirwa zvedu. Panguva ino tiri mushishi kufundira zvitsva zvatiri kuonawo zvichiitwa nevari kune dzimwe nyika padandemutande,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links