Regai kungodutira mishonga: Zinatha

21 Jan, 2021 - 17:01 0 Views
Regai kungodutira  mishonga: Zinatha VaGeorge Kandiyero

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) riri kuyambira vanhu vari kutenga mishonga yechivanhu mumigwagwa vachinzi inobatsira pakurapa kana kurwisa zvirwere zvinosanganisira Covid-19 kuti vangwarire kutengeserwa mimwe inoguma yavakuvadza kana kukanganisa utano hwavo.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti zvichitevera mamiriro ezvinhu nekuda kweCovid-19, kune vamwe vave kutora mukana uyu kuda kuita mari nekutengesa mishonga yavanoti ndeyechivanhu.

“Isu seZinatha, tinoyambira ruzhinji rwenyika kuti vasatore kana kutenga mishonga kuvanhu vari kufamba mumigwagwa vachitora mukana wechirwere cheCovid-19. Tine mitemo inobva kubazi rezveutano yatinotevedzera mukutengesa mishonga semachiremba echivanhu kureva kuti zvose izvi hazvitenderwe,” vanodaro VaKandiyero.

Mbuya Soko

Vanoti kune mishonga yechivanhu inorapa kwoitawo mimwe inova muchetura.

“Zvichitevera kunyuka kweCovid-19, vakawanda vave kuzviita machiremba echivanhu kana kuti vaye vanozviti vanoziva mishonga yechivanhu. Tiri kuona zvakare mishonga iri kutengeswa mumigwagwa ichinzi ndeyemisana, yekubvisa minyama, yekusimbisa miviri nairowo zumbani ranetsa iro rinonzi rinobatsira mukudzivirira kubatwa nechirwere cheCovid-19.”

VaKandiyero vanoti kune mimwe mishonga iri kutengeserwa veruzhinji mumigwagwa nedzimwe nzvimbo vachinzi izumbani asi iro risiri.

“Kune vanhu vasingazive mishonga – kunyanya zumbani – tiri kuona vachitengeserwa mashizha emimwe miti yakangofanana nezumbani uye nekusaziva, vanhu vari kutenga voenda vachinodya nekunatira. Miti iyi hatizive zvainokonzera zvinoguma zvave kukanganisa utano hwevanhu. Saka tinoti tengai mishonga iyi kune vanhu vanoziva zvemishonga yechivanhu uye vane matsamba,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti mimwe mishonga iri kutengeserwa vanhu ichinzi inorapa inosanganisira mufandichimuka, tsangamidzi, chifumuro nendorani.

“Mishonga ikakuiwa zvinonetsa kuti uizive nekudaro vamwe vave kungoenda musango vongotora makwati emiti yose-yose vokuya vachitengesera vanhu. Tave kutyira kuti nekuda kwemamiriro aita zvinhu aya, vamwe vachatengeserwa michetura.”

Zumbani

Mashoko aVaKandiyero anotsinhirwa naMai Sheilla Tawodzera avo vanozivikanwa nekunzi Mbuya Soko (40) vemuHarare vanove nhengo yesangano remachiremba echivanhu reZimbabwe National Practictioners Association (ZNPA) vachiti zvakakosha kuti vanhu vasangotenga mishonga yechivanhu.

“Vanhu vave kutenga mishonga mumigwagwa, zvikuru iro zumbani ranetsa iri. Vanhu vachadyiswa michetura nekuda kwemishonga yemumigwagwa iyi, ikurudziro yedu kuti mapurisa vasunge vose vari kutengesa mishonga mumigwagwa ava,” vanodaro Mbuya Soko.

Vanoenderera mberi vachiti, “Izvozvi tave kunzwa kuti fodya yebute yakahodhwa, yave kutengeswa nemakoronyera ichinzi inorapa Covid-19 izvo zviri kurambwa nenyanzvi dzezveutano. Isu tinoziva kuti bute rinogezwa naro richibvisa minyama nekugezawo mudumbu kwete zvekuti rinorapa Covid-19.”

Share This:

Sponsored Links