‘REGAI VANA VANE MIMBA VADZIDZE’

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
‘REGAI VANA VANE MIMBA VADZIDZE’ Mwana akaita mimba ari pachikoro ane kodzero yekuenderera mberi nedzidzo yake.

Kwayedza

‘Kuvadzinga chikoro kutotyora mutemo’

Tichafara Bepe
VANASIKANA vanoita pamuviri vari pachikoro havafanirwe kudzingwa asi kuti vasiiwe vachienderera mberi nedzidzo yavo kana vachida izvo zvinova zviri mumutemo weStatutory Instrument 362 ne363 of 1998.

Mai Sihle Nkala – avo vanova legal and discipline officer kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari mudunhu reMatabeleland South – vakataura mashoko aya pamusangno weMasakhaneni Project Trust kuBulawayo svondo rapera vachiti vakuru vezvikoro vanofanira kupihwa masimba ekuti vasadzinge vana vanenge vaita pamuviri. Vanoti zvikoro zvose nevatungamiriri vazvo avo vanodzinga vana vanenge vaita pamuviri, vanenge vachitotyora mutemo uyu.

“Mutemo unoti vana vose vanofanira kuenda kuchikoro. Izvi zvinofambirana nebumbiro remutemo rinoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo, nokudaro mwanasikanawo anenge aine pamuviri ane kodzero iyi.

Mutemo unoti mukuru wechikoro, mushure mekuona kuti mwana ane pamuviri, anofanira kushevedza vabereki vemwana uyu kuti vauye kuchikoro voonesana kuti pamuviri apa pakauya nechibharo here kana kuti nekubvumirana vozoona kuti mwana oramba ari pachikoro here kana kuti oregedza,” vanodaro Mai Nkala.

Vanoti kana vabereki vaine chido chekuti mwana aenderere mberi nechikoro, vanofanira kumutsigira kusanganisira kuti ange achipangwa mazano nekuti parambe pachiitwa ongororo.

Mutemo uyu, vanodaro Mai Nkala, hauna chengetedzo kumwanakomana anenge aitisa musikana pamuviri ari pachikoro, nokudaro mukomana anodzingwa achinotsvagirwa nzvimbo kune chimwe chikoro.

Vanotizve bazi ravo mugore ra2015 rakaunza chirongwa cheNon-Formal Education nechinangwa chekuona kuti vadzidzi vose vanosiira chikoro panzira kana kudzingwa vawaniswe dzidzo mushure mekuonekwa kuti 1,2 miriyoni vavo avo vanofanira kunge vachifunda vakange vasiri kuenda kuchikoro.

 

Share This:

Sponsored Links