Reina opembedza Sarri

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Reina opembedza Sarri Maurizio Sarri

Kwayedza

PEPE Reina anoti aimbove murairidzi wake, Maurizio Sarri, anogona kurairidza zvikwata zvikuru zvichitevera mashoko ari kutenderera ekuti angangotsiva Zinedine Zidane kuReal Madrid. Zidane akaramwa basa rekurairidza Real Madrid svondo radarika mazuva mashanu achangosimudza mukombe weChampions League uyo waakahwina katatu kakatevedzana.

Mutungamiriri weMadrid, Florentino Perez, ave kufanirwa kutsvaga mumwe murairidzi anotsiva chizvarwa chekuFrance ichi uye Sarri zita rake riri kutaurwa nezvaro kunzi anogona kuenda kuzvikwata zvikuru zvakawanda muEurope zvinosanganisira Madrid neChelsea.

Achitaura nebepanhau reAS rekuSpain, Reina anoti, “Tiri vanhu vamwe. Tine hukama hwababa nemwana, ndinomuda zvikuru uye ndichagara nekutenda nezvose zvaakandiitira.

“Ndiye akaita kuti zvose zvaiitika kuNapoli makore matatu adarika zvibudirire, uye anoda nhabvu inonwisa mvura inoyevedza.
“Ini ndingatokurudzira zvikwata zvakasiyana kuti zvimutore nekuti ane njere dzenhabvu uye ane ruzivo rwakanyanya rwemutambo uyu.” – Sportsmail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey