Remangwana rirongere: Chimukoko

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Remangwana rirongere: Chimukoko Abel Chimukoko

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa mumujaho wemarathon, Abel Chimukoko, anoti vari mune zvemitambo yakasiyana vanofanirwa kugadzirira remangwana ravo kwete kunakidzwa nekungodya mari sezvo vanogona kuzozvidemba kana vakatadza kushandisa mikana yavanenge vawana.

Chimukoko mumwe wevakaita mukurumbira kubva muZimbabwe izvo zvakambomuona achienda pachinzvimbo chechina pasi rese pashasha dzekumhanya marathon mugore ra1998.

Anoti kurongeka nekuzvibata kwakashandura hupenyu hwake zvekuti ave kukwanisawo kufamba nemotokari izvo aisambofungira kuti zvichaitika.

“Ini handina kumbobvira ndafungira kuti ndichafambawo nemota sezvo ndaive wetsoka, asi ndave kufamba nemota uye kukwanisa kuendesa vana vangu kuchikoro kunodzidza kunze kwenyika chaiko. Asi izvi zvinouya nekuzvibata uye kurongeka muhupenyu,” anodaro.

Chimukoko akatanga zvekumhanya marathon mugore ra1990 apo aive achiri kuchikoro paChimhau High School kwaMurehwa.
Paakazoenda paEllis Robins kunoita zvidzidzo zvake zveA-Level, akasangana naRobert Mutsauki uyo akabatsira kumubika tarenda rake. Mugore ra1992, Chimukoko akahwina mujaho weDairibord Cross County uye akabva atanga kukwikwidza mumijaho mikuru.

Mugore ra1995, ndipo pakatanga kuvhurika mikana mikuru yake apo akapinda mumakwikwi e1995 All Africa Games akaitirwa muHarare.

Muchinda uyu akakwikwidza mumujaho we500m uye ndiro gore rake rekutanga kuenda kunokwikwidza kuAustralia uko akanopinda mumujaho weFred Hollows 500km.

Mujaho uyu wakamhanyiwa kubva kuBourk kuenda kuSydney uko akahwina menduru yegoridhe.

Kumujaho wekuAustralia, aive muchikwata chaive nedzimwe shangwiti dzekumhanya dzaisanganisira Emmanuel Matashu, Brighton Chipere, Mononoko Musiiwa, Maxwell Bangani naKingston Maringe.

“Handife ndakakanganwa gore iri apo ndakatanga kukwira ndege ndichienda kuSydney, kuAustralia izvo ndaifunga kuti munhu akaita seni aisazozvikwanisa. Mukukura kwangu, handina kumbofunga kuti ndokwanisa kutenga kana bhasikoro chairo asi ndakasvika pakukwira ndege nekumhanya chete,” anodaro.

Panguva yake yaainetsa mumujaho wemarathon, Chimukoko akambogara kuMadrid, kuSpain kwemakore 10 kubva gore ra1997 kusvika 2007.

Izvi zvakamuona achipihwa zita rekuti Senor Madrid zvinoreva kuti Mr Madrid uye akahwina mijaho yakawanda ari kunyika iyi inosanganisira Carrela de agua Madrid 10km iyo yaanove ane rekodhi yaakamhanya maminitsi 28.03.

“Ndini ndakaita munhu anoita zvemitambo wekutanga kugara kuSpain kubva muZimbabwe uye nditori nemukurumbira wakanyanya ikoko kukunda kuno kumusha.

Ndakamhanya mijaho yakawanda panguva yandaive ikoko uye ndikasvika pakukotsverwa nemakambani makuru anogadzira shangu nenhumbi dzemitambo anosanganisira Nike, Reebok, Avia neAddidas,” anodaro Chimukoko.

Iye zvino Chimukoko ari kushanda kuZimbabwe Republic Police uye ndisachigaro weZimbabwe Athletes Commission.
Pamusoro pezvo, ari mubhodhi reZimbabwe Olympic Committee (ZOC).

“Ndiri kuita mabasa akawanda kusanganisira kuona mafambisirwo ezvemitambo izvo ndakatanga ndichiri kumhanya. Ndaiziva kuti vatambi vanoda kubatsirwa uye kurakidzwa gwara nekuti zvikasadaro hapana kwavanoenda.

“Huwori hwakawandisa mune zvemitambo uye vatambi vanofanirwa kumiririrwa chaizvo vachirakidzwa gwara rakanaka rekutevedza kana vachida kubudirira,” anodaro Chimukoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>