Rev Chivaviro abura zvitsva

29 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
Rev Chivaviro abura zvitsva Rev Chivaviro

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUIMBI wechitendero ane mukurumbira, Reverend Togarepi Chivaviro, abura dambarefu idzva rinonzi Famba Usacheuke iro rine nziyo nhanhatu rinova rekupedzisira rake sezvo achiti ave kumira kuburitsa madambarefu.

Rev Chivaviro vanoti vachange vave kuburitsa nziyo chete nekudzidzisa vari kusimuka munyaya dzemimhanzi.

“Dambarefu iri ndiro rekupedzisira rine nziyo dzakawanda. Nekuda kwekuti vanhu vave kuterera nziyo padandemutande reindaneti, ndiyo nzira yatava kushambadza nayo nziyo dzedu. Kuuya kwechizvino-zvino uku kwave kuda kuti ndiburitse nziyo imwe neimwe nekuti kuburitsa dambarefu kunotora nguva yakakura nemari yakawanda.

“Kubva pari zvino, ndave kuti pandawanira chimbo ndochiburitsa ipapo pane kumirira kuti dambarefu rikwane. Ndichange ndave kuburitsa nziyo imwe chete pandinenge ndangoiwana nevhidhiyo racho. Nziyo idzi ndichadzishambadza pamasaisai nekuti ndizvo zvave kushandika nazvo mazuva ano,” vanodaro.

Rev Chivaviro vanoti pari zvino vave kunyanya kushanda vachisimudzira vaimbi vechidiki.

“Zvizhinji zvandaishuvira muupenyu hwangu ndasangana nazvo. Pari zvino ndave kuda kushanda nekusimudzirawo vane zvipo zvekuimba. Ino yava nguva yekubatana nevadiki nekuvadzidzisa kuti vaburitse zvinofadza veruzhinji,” vanodaro Rev Chivaviro.

Dambarefu idzva iri, Famba Usacheuke, nderechi20 pane akaburwa naRev Chivaviro kubva vachitanga kuita zvemimhanzi.

Rev Chivaviro vanotsanangura nezvedambarefu iri.

“Pane kambo kanonzi Pora Usati Wapotsa. Mazuva ano vanhu vari kugara vari pasocial media vachinyora zvakasiyana. Pane zvinhu zvakawanda zvinokonzeresa kusanduka kwevanhu nekuda kwezvavanonyora izvi. Kambo aka kanotidzidzisa kuti usati wanyora kana kuisa zvinhu pasocial media, tanga wafunga kuti hazvikanganise vamwe here.

Chikumbiro kune veruzhinji kuti vazvibate pamashoko avanonyora pamasocial media. Mashoko aunenge wanyora hauzogone kuzvidzora kana zvanyorwa, zvatonyorwa. Tiri kukumbira kuti vanhu vatungamirirrwe nemweya mutsvene pane zvese zvavanotaura kana kuita mumasocial media umu.

“Nziyo inotevera inonzi Ndinochemera Vana Vangu. Semubereki, ndiri kukumbirira semunhu wese ane mwana. Munamato wezvinhu zvatinoshuvira kuvana vedu, makomborero muupenyu hwavo.

“Pane kamwe kambo kanonzi Maria naMarita ako takaimba senzira yekunyaradza vanhu pamatambudziko. Tinomboita nziyo dzekuti vanhu vatambe asi tinombodawo kuti vanyaradzwe kubva kumatambudziko avanosangana nawo,” vanodaro Rev Chivaviro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey