Rev Chivaviro: Mwana otevera matsimba

13 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Rev Chivaviro: Mwana otevera matsimba Tinashe Chivaviro

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MWANA weshasha yekuimba nziyo dzemusambo wechitendero Reverend Togarepi Chivaviro – Tinashe Chivaviro – anoti ari kuda kusvika pachidanho china baba vake chekuva nemukurumbira kuburikidza nemimhanzi.

Tinashe – uyo ari kuita Fomu 2 paWaddilove High School, kuMarondera – akataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mushure mekuparura kambo kake katsva kanonzi Nguva DzaMwari .

Anoti kuimba kwababa vake ndiko kwakamupa chidokwa-dokwa chekuda kuimbawo nziyo dzechitendero.

“Ndinoda kutenda baba vangu nekuti ndivo vakandipa shungu dzekuti ndipinde mune zvekuimba izvi. Ndakatanga kufarira zvekuimba apo ndairidza ngoma kuchechi kwedu uye muchikwata chinoimba nababa vangu. Ndipo pandakatanga kunyorawo nziyo dzangu,” anodaro.

Tinashe anoti pachikoro paari kudzidza pari kumubatsirawo panyaya yekusimudzira tarenda rake nekuda kwekuti panokosheswa zvidzidzo zvine chekuita nemimhanzi.

“Izvi zvichandibatsira mukusimudza chipo ichi nekuti kuramba ndichidzidzira kuimba nekubudisa nziyo uku kunoita kuti ndigadzirise pandinenge ndakanganisa. Chivimbo changu ndechekutevera tsoka dzababa vangu ndosvika pakuitawo mukurumbira kupfurikidza nekuimba saivo,” anodaro.

Rev Chivaviro

Tinashe anoenderera mberi achiti, “Kambo kangu katsva aka kanonzi Nguva DzaMwari kanodzidzisa veruzhinji kuti vanofanira kumirira nguva yaMwari. Vazhinji vanonokerwa nezvinhu zvavanenge vakamirira kuti zviitike. Mukambo aka ndakapa muenzaniso wekuti michero mumuti inoberekwa musi mumwechete asi inoibva misi yakasiyana saka ndizvo zvakafananawo nenguva yekuti Mwari vatiitire chakanaka. Panoitirwa mumwe chakanaka naMwari hapasipo paunoitirwawo, nguva dzacho dzakasiyana.”

Anoti anotenda zvikuru vabereki vake nekumutsigira kwavari kuita munyaya dzeminhanzi.

“Ndinodawo kutenda vabereki vangu baba namai Chivaviro nekuti vakandibatsirawo pakuparura kambo aka uye vakaisawo mazwi avo mukubikwa kwekambo aka.

“Parizvino ndiri mubishi kubika vhidhiyo rekambo aka uye ndinotarisira kutsikisa kamwe kambo katsva pazororo rechikoro rinotevera. Ndichambomira kutsikisa panguva yandinenge ndichienda kuchikoro sezvo zvichizondikanganisa pakudzidza kwangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links